Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai naVaMugabe Vonetsana Zvakare neNyaya yeMakurukota


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana muharare nhasi nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakazeya neMuvhuro nyaya yekutorerwa masimba emakurukota e MDC naVaMugabe svondo rapfura, vachiapa kumakurukota ebato ravo reZANU-PF.

VaMugabe vanonzi vakazviwedzerawo masimba nekuzvipa mitemo yakati kuti, iyo inosanganisira Emergency Powers Act, iyo yanga iri pasi pebazi rezvemukati menyika, pamwe chete ne Interception of Communications Act, iyo yanga iri pasi pebazi rezvekutakurwa kwezvinhu.

Izvi zvinonzi hazvisi pamutemo. MDC inoti kunyange hazvo VaMugabe vaine simba rekugovera makurukota mabasa, vaifanirwa kukurukura naVaTsvangirai pamwe chete nemutevedzeri wavo VaArthur Mutambara, vowirirana navo vasati vaita zvavakaita.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa zvabuda mumusangano uyu.

Asi nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaRejoyce Ngwenya, vanoti zviri kuitwa naVaMugabe zvinoratidza kuti havaremekedzi hurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vanoti nepamusana pekusawirirana kuri kuitika muhurumende yemubatanidzwa, bato ravo rakagadzirira kupinda musarudzo chere nguva, ndokana paine mauto epasi rose anochengetedza runyararo.

VaTsvangirai vanonzi vakataura mashoko aya musi wesvondo kuvatsigiri vavo kuChitungwiza.

VaTsvangirai vanonzi vakati mhirizhonga iri kuitika munyika inotyora chibvumirano chehurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vanoti nepamusana pemhirizhonga iri kuitika munyika, zvakakodzera kuti SADC ne African Union dziuye kuzoona zviri kuitika izvi.

Mashoko aVaTsvangirai anotevera aVaMugabe, avo vakatiwo bato ravo rakagadzirira kupinda musarudzo chero nguva.

Sachigaro veZimbabwe Election Support Network, VaTinoziva Bere, vanoti munyika hamugoni kuitwa sarudzo dzakachena sezvo mapurisa nemasoja azere kumaruwa uko anogona kushungurudza vanhu munguva yesarudzo.

XS
SM
MD
LG