Accessibility links

Breaking News

VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara Votarisirwa Kuziviva Zvawiriranwa muNhaurirano


Vatungamiri vemapato matatu ari muhurumende yemushandira pamwe, vanoti mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemumwe mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, vasangana muHarare neMuvhuro kuti vazeye zvakabuda munhauririrano dzavo.

Vatungamiri ava vanotarisirwa kuzivisa chero nguva zvawiriranwa kusvika pari zvino.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vakatumira nhumwa dzavo nhatu kuti dzinoona kuti nhaurirano dziri kufamba negwara here, uye kuudza vari munhaurirano kuti vaite zvinobuda sezvakatarwa neSADC.

Vari munhaurirano idzi vanotarisirwa kusimudzira hurukuro neChishanu svondo rino, zvichitevera kumbomira kwavakaita vachipa mukana Zanu PF wekuti iite musangano wayo weCongress.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti vatungamiriri ava vanotarisirwa kuzivisa zvawiriranwa chero nguva kubva neChipiri.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti havaone paine zvikuru zvichaziviswa nevatungamiriri ava.

XS
SM
MD
LG