Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veHurumende Vokurudzirwa Kupinda muVanhu Vachishoropodza Mhirizhonga


Vatungamiri vemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa, vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutewedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vakataura neChitatu zvakasimba vachishoropodza mhirizhonga, panguva yekunzwa pfungwa dzevanhu pakuumbwa kwebumbiro remitemo idzva.

Vatungamiri ava vakakurudzira vatsigiri vavo kuti vabvumidze hurongwa uhu kuitwa murunyararo, uye kukurudzira mapurisa kuti aone kuti hapana vari kumbunyikidza vamwe.

Asi vamwe kusanganisira mamwe masangano emachechi vanoti dai vatungamiri vatatu ava vapinda mumatunhu ose emunyika vachishambadza shoko ravakaparidza neChitatu iri, kuitira kuti rinyatsopinda munzeve dzevatsigiri vavo, kwete kungotaura kamwe chete pagungano.

Mutungamiri wezvirongwa zveCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vanoti mhirizhonga iri kuitika munyika iri kubva kubato rimwe chete ragara risingadi kuti vanhu vave nekodzero dzavo.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reIntercessors for Zimbabwe, Reverend John Chimbambo, vanotiwo ivo semasangano emachechi, vachatungamidza minamato mberi kuitira kuti hurongwa uhu huitwe murunyararo.

XS
SM
MD
LG