Nemusi weSvondo mauto emuGuinea achitungamirwa naColonel Mamady Doumbouya akapidigura hurumende yaVaAlpha Conde.
VaConde avo vakavandudza bumbiro remutemo kuti varambe vachitungamira nyika iyi vakasarudzwa gore rapera musarudzo dzainge dziine mutauro wakanyanya.
Izvi zvave kureva kuti muAfrica mauto apindira munyaya dzezvematongerwo enyika muAfrica achiyedza kana kutopidigura hurumende kanodarika mazana maviri.
Burkina Faso ndiyo ine mauto akapindira zvakanyanya kanosvika gumi ichiteverwa neNigeria kasere.
Mauto akapidigurawo hurumende muZimbabwe muna 2017 kanova kekutanga zvichiitika munyika. Panyika dzemuAfrica makumi mashanu nenhatu, nyika makumi mana dzine mauto akapindira mukupidigura hurumende.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zviri kuitika izvi zviri kudzosera Africa kumashure munyaya dzehutongo hwejekerere kunyangwe yange yambopemberera zvakaitika kuZambia uko kwakatambidzanwa masimba murunyararo.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanoti vatungamiri venyika yeZimbabwe neAfrica vanofanira kukoshesa zvido zvevanhu kuti mauto asapindire munyaya dzezvematongerwo enyika.
Asi nhengo yeZanu-PF uye vaimbotungamira bato rinopikisa reDare vaGilbert Dzikiti vanoti chakakonzera kupindira kwemauto kuGuinea inyaya yekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika muAfrica kunoita France.
Facebook Forum