Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri muHurumende Vowirirana Kuwedzerwa kweMihoro yeVashandi


Vatungamiri vemapato maviri anoti reMDC-T neZanu PF, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vakasangana nemusi weChishanu svondo rapera muHarare vakakurukura nezvenzira dzingabatsira mukuwanikwa kwemari yekuwedzera vashandi vehurumende mihoro yavo.

Bepanhau reThe Herald rinoti vatatu ava, vanoti VaRobert Mugabe veZanu PF, VaMorgan Tsvangirai veMDC T, pamwe naVaMutambara, vakawirirana kuti gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vaburitse mari yekuwedzera mihoro yevashandi, asi hapana kutaurwa kuti VaBiti, avo vanoti hurumende haina mari, vachawana kupi mari iyi.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaBiti kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Asi pamutemo, gurukota rezvemari handiro rine masimba ekuwedzera vashandi vehurumende mari dzavanotambiriswa.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvebhajeti rehurumende, VaPaddy Zhanda, vanoti hurumende inokwanisa kuwedzere vashandi vayo mari dzemihoro kana ikaronga zvakanaka mafambisirwo ezviri kuwanikwa kubva muhupfumi hwenyika.

Zvichakadaro, sangano revadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti nemusi weChina svondo rapera rakapa hurumende mazuva gumi nemana ekuti inge yagadzirisa nyaya dzemihoro, kutadza kuita izvi, nhengo dzaro dzinozoramwa mabasa.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti vachaenderera mberi nedanho ravo rekuramwa mabasa zvisinei nemashoko ekuti vatungamiri vari kuda kuti vashandi vawedzerwe mari. VaMajongwe vanoti havasati vanzwa nezvechido chevatungamiri chekuti vawedzerwe mari.

XS
SM
MD
LG