Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoyambira Kuranga Vose Vari Kukonzera Mhirizhonga Mubato Iri


Dare repamusoro reMDC inotungamirwa nemutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, MDC-T, rereNational Executive, ratambira neChishanu zvakabuda muongororo yakaitwa pamhirizhonga yakaitika mubato iri apo raigadzirira kongiresi yaro gore rapfuura.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, canoti bato ravo richaranga vose vakaita kana kukonzeresa mhirizhonga. VaMwonzora vanoti veruzhinji vanofanirwa kuziva kuti pavanhu vachamiswa pamberi pekomiti inoranga vanenge vatadza, vamwe vacho vari kufungidzirwa kuti vakakonzeresa mhirizhonga vamwe vachinzi vakaonekwa vachiita mhirizhonga iyi. Vanoti zvose izvi zvichaongororwa nekomiti ichatonga vari kupomerwa mhosva.

Zvinonzi vakuru vakuru mubato iri vanosvika gumi nevashanu vachamiswa pamberi pekomiti yebato inoranga vanenge vatadza, kuti vazvichenure. Vanenge vawanikwa vaine mhosva vanonzi vacharangwa zvakaomarara.

Apo hutungamiri hweMDC-T National Executive hwanga huchizeya nyaya yemhirizhonga, dzimwe nhengo nomwe dzebato iri dzanga dziri mudare ramejasitiriti rekwaMutare dzichikumbira kuti dzipihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso, kuitira kuti dzitongwe dzichibva kudzimba.

Vanhu ava vari kupomerwa mhosva yekurwisa vamwe vavo mubato svondo rapera. Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kuziva zviri kuitika muMDC-T dzinoti zviri kuitika mubato iri zvichaburitsa pachena kana bato iri richiremekedza bumbiro raro remitemo.

Nyanzvi idzi dzinoti sezvo vamwe vakuru vari kupomerwa mhosva yekuita zvemhirizhonga vari nhengo dze National Standing Committee, pachanetsa kuti varangwe sezvo nhengo dzeNational Standing Committee, pasi pemutemo webato we Article 12, uchisungira kuti nhengo idzi dzitongwe mushure mekunge huzhinji hweNational Council hwazvitsigira kuti vatongwe.

Asi kana National Council yazvitambira, munhu uyu anobva ambomiswa basa apo nyaya yaari kupomerwa inenge ichiongororwa nemagweta matatu akazvimirira anodomwa nebato, mumwe wacho anofanirwa kunge achikodzera kuva mutongi wedare repamusoro.

Asi imwewo nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, iyo yaimbova nhengo yeMDC-T yave nhengo yeZanu-PF, VaGabriel Chaibva, vanoti zviri kuitika izvi zvinoburitsawo pachena kuti bato iri, iro rinogara rakashora Zanu-PF nenyaya yemhirizhonga, riri kuitawo muzhirizhonga.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inodzidzisa paUniversity of Zimbabwe, Muzvinafundo John Makumbe, avo vakabuda pachena kuti ingengo yeMDC-T, vanoti vamwe mubato iri varasa gwara.

XS
SM
MD
LG