Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votarisirwa Kukurukura Zvinetswa naVaMugabe neMuvhuro


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti neMuvhuro vari kuzotaura nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vadzore makurukota eZanu-PF avanoti ari kuita hunhubu nekusavateerera.

VaMugabe, VaTsvangirai nemutedzeri wavo, VaArthur Mutambara, vari kutarisirwa kuita musangano neMuvhuro vachikurukura nyaya dziri kupa kuti hurumende yemubatanidzwa iite bhasikiti ratizirai rekuti uku riri kurukwa uku riri kurudunhurwa.

Svondo rapera makurukota eZanu-PF akaramba kupinda mumusangano wekanzuru yemakurukota unokokerwa naVaTsvangirai.

Asi VaTsvangirai vanonzi vari kunyanyosvibiswa moyo nemakurukota maviri anoti gurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, VaSavior Kasukuwere, negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu, avo vari kupota vachikandirana navo makobvu nematete paruzhinji.

VaTsvangirai vari kutarisira kuita musangano wekanzuru yemakurukota wakambomiswa uyu neChina svondo rinouya, kunyange paine runyerekupe rwekuti makurukota eZanu-PF ari kuronga kuramba kupinda zvakare mumusangano uyu.

VaKasukuwere varamba kutaura nezvenyaya iyi, nekowo VaShamu vanosimboramba kutaura neStudio 7, havana kudaira nharembozha yavo.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vatenda kuti vatungamiri vatatu muhurumende vachasangana svondo rinouya.

Vanoongorora nyaya dzezvematongero enyika, VaBlessing Vava, avo vanoshanda neNational Constitutional Assembly vanoti misangano yaVaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara haina zvainobatsira, sezvo vari kupedza nguva yevanhu vachitadza kuita zvinodiwa neveruzhinji.

XS
SM
MD
LG