Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voshora Mapurisa paNyaya yeMhirizhonga


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanovazve mutungamiri weMDC huru vanoti havasi kufara nemashandiro ari kuita mapurisa avati ndiwo ari kuita zvemhirizhonga munyika. VaTsvangirai vakataura mashoko aya muHarare neChitatu apo vakaita musangano nevatori venhau.

VaTsvangirai vatiwo havasi kufara nemashandiro ari kuita mamwe makurukota ehurumende. pamwe ne,apurisa. Vati mamwe mapurisa ndiwo ari kukonzera kuti munyika muve nemhirizhonga.

Vatiwo mapurisa ari kuita izvi, ari kuita zvinhu zviri kunze kwemutemo izvo zviri kukonzera kuti munyika musave nerunyararo. VaTsvangirai vakurudzira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vashandise masimba avanawo mubumbiro remitemo yenyika kuti vawone kuti mutemo unobata mashandiro emapurisa watevedzerwa.

Vatiwo havasi kufara nemashandiro ari kuita mamwe makurukota ehurumende avasina kudoma nemazita. Vati mamwe emakurukota aya haasi kuvaudza kuti ari kushanda sei mumapazi ehurumende mavari sezvo vari ivo vanowona nezvekufambiswa kwebasa muhurumende.


VaTsvangirai vatiwo nyaya yenhepfenyuro dzakazvimirira inofanirwa kugadziriswa nechimbichimbi pasati paitwa kusarudzo itsva.

Nyaya yenhepfenyuro dzakazvimirira ndeimwe yenyaya dzisati dzazadziswa pakatariswa zvakawiranwa pasi pechibvumirano chezvematongerwo enyika cheGlobal Political Agreement.

Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanove mutongi gava pagakava riri muZimbabwe, dzakapinda munyika nezuro kuzoedza kugadzirisa zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Tichiri panyaya iyi, rimwe remakurukota anoona nezvemukati menyika, Amai Theressa Makone, vashora zvikuru maitiro emamwe mapurisa avanoti ari kupfuvisa nhengo dzebato ravo reMDC.

Asi rimwezve remakurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKembo Mohadi veZanu-PF, vati nyaya yekuti munyika mune mhirizhonga ndeyemanyepo.

Nhengo yeZanu-PF inomirira Mwenezi East mudare reparamende, VaKudakwashe Bhasikiti vanoti VaTsvangirai havarevi chokwadi kana vachiti Zanu-PF iri kuita zvemhirizhonga.

Sachigaro wezvechidiki musangano reNational Constitutional Assembly, VaAlois Dzvairo, vanoti vezvematongerwo enyika ndivo vari kuita zvemhirizhonga.

XS
SM
MD
LG