Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voshanyira Minda yeMangoda kwaMarange


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, mutevedzeri wavo, VaArthur Mutambara, nemamwe makurukota ehurumende, abudirira neChina kuenda kuminda yemangoda kwaMarange mushure mekupedza gore pachinakuriranwa nyoka mhenyu panyaya yerwendo urwu.

VaTsvangirai vanoti vanga vachirambidzwa kuenda kunzvimbo iyi izvo zvainge zvopa kuti vatadze kuita basa ravo semutungamiri wemabasa ehurumende.

Asi bazi rezvezviwanikwa rinoti harina kumborambidza VaTsvangirai asi kuti nguva ndidzo dzaisiyana.

VeMDC neZanu-PF vagara vachinetsana nenyaya yemangoda ekwaMarange. VeMDC vanoti hapana kunyatsojekeswa pakushandiswa kwemari yemangoda aya.

Zvichakadaro, sangano reGlobal Witness, iro rinoona nezvekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu rinoti mumabhodhi emakambani ari kuchera mangoda kwaMarange, muzere nevakuru vakuru vemauto nemapurisa.

Sangano iri rinoti mari iri kubva kwaMarange, iyo isina kunyatsojeka mafambiro ayo, inogona kushandiswa mukutsvagira bato reZanu-PF rutsigiro munguva dzesarudzo.

Global Witness inoti hapana kujeka panyaya yekuti makambani ari kupihwa sei basa rekuchera mangoda.

Sangano iri rapa muenzaniso wekuti Anjin yekuChina iri kushanda nekambani Matt Bronze isinganyatsozivikanwe uye kambani yembada inodyidzana zvakanyanya na Air Vice Marshal Robert Mhlanga.

Mutauriri weGlobal Witness, VFaMike Davies, vanoti Zimbabwe inoda mari yemangoda kuti iite mabasa ebudiriro munyika kwete kuti zanu-pf iite zvehuori nemari iyi.

Mutevedzeri wegurukota rezvezviwanikwa, VaGift Chimanikire, vanoti havangataure nezvenyaya dzemauto sezvo izvi zvichitaurwa negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Asi gurukota rezveziwanikwa, VaObert Mpofu, vanoti Global Witness haisi kuda kuti vana veZimbabwe vadye hupfumi hwenyika yavo.

XS
SM
MD
LG