Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voshanyiira America Vachiyedza Kukwezva veMabhizinesi


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kuChicago muAmerica umo vari kuita misangano yekukwezva vemabhizimisi ekunze kuti vaende kunodyara mari dzavo muZimbabwe.

VaTsvangirai vakasvika mu America nemusi weChitatu vachiperekedzwa negurukota rinoshanda riri muhofisi mavo, uye vari munyori wezvekunze muMDC, VaJameson Timba. VaTsvangirai vari kutarisirwawo kuenda kuNew York.

Asi vemabhizimisi vakawanda vanoti pari zvino vachiri kuda kuti vamboone kunowira tsvimbo nedohwe panyaya yeZimbabwe sezvo pachine rima panyaya yekuendesa hupfumi kuvatema.

VeMDC neZanu-PF havasi kunyatsowirirana pamaitirwo echirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema.

VaTsvangirai mbune vakatiwo nyaya yekuti hurumende yavabhasikiti raTizirai rekuti uku riri kurukwa uku riri kurudunhurwa iri kukonzera kuti vanhu vatye kuzouchika mari dzavo munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nezvehupfumi dzinotiwo nyaya yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yekuti sarudzo dziitwe mukutanga kwegore rinouya iri kupawo kuti vemabhizimisi vambode kumira parutivi, kuitira kuti vatange vaona mafambiro ezvinhu.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti nyaya yekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika iri kupa kuti vemabhizimisi vafunge kaviri.

XS
SM
MD
LG