Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voramba Kupinda Mudare reMakurukota


European Union, kana kuti EU, yazivisa neChitatu kuti nyaya yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yekudoma vanhu vasina kusuma mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, sezvakawiriranwa muchibvumirano cheGlobal Political Agreement, kana kuti GPA, haisi nyaya yekutamba nayo uye inofanira kutorerwa matanho akasimba.

Izvi zvinotevera tsamba yakanyorwa naVaTsvangirai ku EU nedzimwe nyika dzemugungano iri vachivazivisa kuti vamiriri veZimbabwe vakadomwa naVaMugabe vasina kuvasuma, vakadomwa nenzira isiri pamurawu.

Vanoona nezvekudyidzana kwakanaka nedzimwe nyika muEU, Amai Cathrine Ashford, vati zvinonetsa kuti EU itambire vamiriri veZimbabwe kana vamwe vachinyunyuta sezvo seEU, vachiremekedza chibvumirano cheGPA. Mashoko eEU aya auya apo mutongi gava panyaya yeZimbabwe, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma,
vatumira zvipangamazano zvavo kuZimbabwe neChitatu, kuitira kuti vaedze kugadzirisa gakava riri muZimbabwe.

Zvipangamazano zvaVaZuma zvange zvichitarisira kuita hurukuro naVaTsvangirai, VaMugabe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka pari zvino sezvo VaTsvangirai vatsika madziro vachiti havasi kuzotambira magavhuna, vatongi uye vamiriri veZimbabwe vekune dzimwe nyika vakadomwa naVaMugabe vega.

VaTsvangirai neChitatu havana kutombopinda mudare remakurukota vachiratidza kunyunyuta kwavo nenyaya iyi. Hazvisati zvozivikanwa kana VaTsvangirai vacharamba vachita izvi mazuva ose kudzamara zviri kunetsa pakati pavo naVaMugabe zvagadziriswa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti havaone VaMugabe vachichinja maitiro avo panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG