Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vopika Kusabuda Muhurumende


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakati bato ravo harisi kuzobuda muhurumende yemubatanidzwa, kana dai vakasungwa kana kuurayiwa.

Vachitaura neSvondo kumusangano wavakaita nevatsigiri vavo kuWhite City Stadium, muBulawayo, VaTsvangirai vakati bato ravo harityisidzirwi nemunhu kuitira kuti ribude muhurumende yemubatanidzwa.

Mashoko aVaTsvangirai anouya panguva iyo nhengo dzebato ravo dziri kutambiswa chamutavanhava nemapurisa, mauto pamwe nevamwe muZanu PF, avo vari kutaurawo mashoko ekushungurudza bato iri.

NeChishanu svondo rapera, gurukota muhofisi yemutungamiri wehurumende, vari munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC yaVaTsvangirai, VaJameson Timba, vakasungwa vachipomerwa mhosva yekushora VaMugabe.

Kunyange hazvo VaTimba vakazoburitswa nedare repamusoro, kusungwa kwavo kwakaonekwa sekwakanga kwakurudzirwa nemashoko akataurwa nevamwe vakuru muZanu PF, vanosanganisira VaJonathan Moyo.

Nhengo dzeMDC dzinodarika makumi maviri dzichiri muhusungwa dzichipomerwa mhosva yekuponda mumwe mupurisa kuGlen View muHarare.

Gurukota rezvemhando dzemoto, uye vari mutewedzeri wemubati wehomwe muMDC-T, VaElton Mangoma, vane mhosva dziri mumatare.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vatsinhira mashoko aVaTsvangirai ekuti bato ravo harisi kuzobuda muhurumende yemubatanidzwa, sezvo riine zvido zvevanhu pamwoyo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanotiwo kushungurudzwa kuri kuitwa bato reMDC-T nemapoka ehurumende anoshanda neZanu PF, inzira yekuda kumanikidza MDC-T kubuda muhurumende yemubatanidzwa kuitira kuti paitwe sarudzo dzine mhirizhonga.

XS
SM
MD
LG