Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voodzwa Moyo naVaMugabe


Zimbabwe's Prime Minister Morgan Tsvangirai gives a press conference in Harare to announce the reshuffling of ministers belonging to The Movement for Democratic Change (MDC) party, 23 Jun 2010
Zimbabwe's Prime Minister Morgan Tsvangirai gives a press conference in Harare to announce the reshuffling of ministers belonging to The Movement for Democratic Change (MDC) party, 23 Jun 2010

Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti kuonana kwavo nemutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, kwadzikira zvikuru zvichitevera humbimbindoga hwakaitwa naVaMugabe mwedzi wapera pavakadoma voga magavhuna ematunhu zviri kunze kwechibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Vachitaura nenhepfenyuro ye France 24 vari kuFrance neChitatu, VaTsvangirai vakati pari zvino vari kungosangana naVaMugabe kumisangano inokodzera kuti vange vachisangana, yakaita semisangano yemakurukota ehurumende, kwete misangano yavo yavanofanirwa kuita Mivhuro yoga-yoga.

VaTsvangirai vakatiwo hurumende yemubatanidzwa ine zvimwe zvayakwanisa kuita zvakaita sekubata inflation, vakatiwo pane chinono munyaya dzinobata hupenyu hwevanhu pamwe nezvehupfumi.

VaTsvangirai vakatiwo sarudzo handiyo nzira yekupedza kusavimbika kwavepo pakati pavo naVaMugabe, uye Zanu PF haina chainowana kana ikada kudimura hukama hwavo muhurumende yemubatanidzwa.

Kwemakore ava kusvika maviri vari muhurumende vose, VaTsvangirai naVaMugabe varatidza pasi rose kuti vaviri ava havakwanisi kushanda pamwe chete. Izvi zviri kunyanya kubuda kudivi raVaMugabe avo vari kuita zvinhu pamadiro vasingatedzeri zvavakabvumirana.

VaMugabe vari kusvibisa moyo yevanhu vakawanda sezvo vari kuramba kutambira zvinenge zvichidiwa neMDC. Dzimwe nyaya dziri kunetsa pakati pevaviri ava dzinosanganisira kuramba kwaVaMugabe kugadza VaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, uye kudomwa kwevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika kwakaitwa muhumbimbindoga naVaMugabe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vaudza Studio 7 kuti ichi chiratidzo chekuti hurumende yemubatanidzwa yavakutandadza.

XS
SM
MD
LG