Accessibility links

Breaking News

SADC Yotarisirwa Kuzeya Nyaya yeZimbabwe


Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan tsvangirai, vasimuka munyika neChishanu vakananga kuSouth Africa vachizopfurira kuenda kumusangano mukuru wepagore weSADC kuNamibia.

Bato raVaTsvangirai riri kuti richapa kurudziro yekuti SADC ipe gwara rakati twasa panyaya yesarudzo muZimbabwe. Asi chimwe chikwata cheMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, chinoti muZimbabwe hamufanirwe kuitwa sarudzo nekuti zvinhu hazvisati zvagadzikana munyika.

Mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vanonzi nebepanhau reZimbabwe Independent vakanyora tsamba kumakurukota ezvekuchengetedzwa kwemukati menyika, VaKombo Mohadi naAmai Teresa Makone, vachiti havasi kuda kuti bhiri remutemo wezvesarudzo, rirambidze mapurisa kupinda munzvimbo dzekuvhotera. VaChihuri vanonzi zvakare vari kuda kuti mapurisa avhote mwedzi sarudzo dzisati dzaitwa.

Mutemo mutsva unoti mapurisa avhote mazuva maviri sarudzo dzisati dzaitwa, kuitira kuti vange vari pabasa rekuchengetedza runyararo munguva yesarudzo. Hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende iri kutogadzirisa mutemo uyu kuitira kuti uendeswe mudare reparamende.

Kuvandudzwa kwemutemo uyu kwange kwatenderanwa kare nemapato matatu ari muhurumende, asi vamwe vanoti VaChihuri vave kutaura vakamirira Zanu-PF.

Masangano akazvimirira oga ari kuenda kumusangano weSADC, anotiwo kuti paitwe sarudzo dzakachena gore rinouya, Zimbabwe inofanira kutanga yavandudza zvinhu munyaya dzesarudzo.

Mutungamiri weNamibia, VaHifikepunye Pohamba, ndivo vari kutarisirwa kutora chigaro chasachigaro weSADC kubva kuna VaJoseph Kabila, mutungamiri weDRC.

Nyanzvi inoongorora nyaya dzezvematongerwo enyik, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vanoti VaChihuri vave kuda kuunza bopoto munyika nemaitiro avo.

XS
SM
MD
LG