Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vonanga kuSouth Korea Kunokwezva veMabhizimisi


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kutarisirwa kuenda kuSouth Korea neMugovera kunoyedza kukwezva vemabhizimisi veko kuti vauye kuzovamba mabhizimisi munyika.

VaTsvangirai vari kukwezva vekunze ava kunyange hazvo gakava muhurumende yemubatanidzwa riri kuramba richikura.

VeZanu-PF vari kuramba vachitsika madziro panyaya yekuzadzikisa zviri muchibvumirano che Global political Agreement, izvo zviri kupa kuti vekunze vanobatsira nevemabhizimisi vatye kuuchika mari dzavo munyika.

VaTsvangirai vari kuenda nemakurukota matatu anoti gurukota rezvehumhizha, VaHeneri Dzinotyiwei, gurukota remhando dzemoto, Engineer Elias Mudzuri, pamwe gurukota rezvemabhizinesi madiki, Amai Sithembiso Nyoni.

VaAlbert Mandizvidza inyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vari Chief Executive Officer vePeakford Management Consultancy. VaMandizvidza vanoti VaTsvangirai vanogona havo kubudirira sezvo vekunze vaine chivimbo navo.

Zimbabwe inoda vekunze kuti ivabatsire mukuvamba mabhizinesi matsva kuitira kuti vanhu vawane mabasa. Pari zvino zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika zvichitevera kuparara kwakaita hupfumi apo Zanu PF yaitonga nyika ichiita zvinhu zvakasiya zvakanda hupfumi mumatope.

Zimbabwe inoda mari inodarika mabhiriyoni masere emadhora kuitira kuti ibude mumadhaka mairi.

Asi vane mari pamwe nenyika dzakabudirira dzinoti hadzisi kuzobatsira Zimbabwe kudzamara VaMugabe varatidza kuti vari kugovana zvechokwadi masimba nevamwe vavo muhurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG