Accessibility links

VaTsvangirai Vanoti Kuda kwaMwari Kuti Vave Mutungamiri weVanhu

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri werimwe bato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vana veZimbabwe vanofanirwa kunamatira vatungamiri vavo kuti vave nechiedza mukutungamira nyika, sezvo vari vanhu vakasarudzwa namwari kuti vaite basa iri.

Vachitaura neMugovera kuChitungwiza kumusangano wekunamatira runyararo wakarongwa neZimbabwe Pastors Fellowship, VaTsvangirai vakati ivo vakakomborerwa kusarudzwa naMwari mukati memhomho yevanhu kuti vatungamire nyika, vachiti kana mubhaibheri zvakataurwa kuti vatungamiri vanosarudzwa naMwari.

VaTsvangirai vakati vanhu vangavade, kana kuvavenga, asi Mwari akavasarudza chete, vakatiwo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasarudzwawo namwari uye munhu anogara akataura pamusoro penyaya yerunyararo.

Asi vakatiwo chasara kuona chokwadi chizere kana VaMugabe vachida runyararo zvechokwadi.

Asi pane vamwe vave kuona sekunge mashoko aVaTsvangirai airumbidza VaMugabe semutungamiri akabva kuna Mwari.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti vanhu vanofanirwa kuziva kuti VaTsvangirai vaiva pamusangano wekunamata, nokudaro vanofanirwa kushandisa mashoko anokodzera nezvavainge vafambira.

XS
SM
MD
LG