Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokurudzira Kuti Sarudzo Dziitwe Gore Rinouya


Zimbabwean President Robert Mugabe (R) and Prime Minister Morgan Tsvangirai arrive at a rally marking Zimbabwe's 31st independence anniversary celebrations in Harare, Zimbabwe, April 2011. (file photo)
Zimbabwean President Robert Mugabe (R) and Prime Minister Morgan Tsvangirai arrive at a rally marking Zimbabwe's 31st independence anniversary celebrations in Harare, Zimbabwe, April 2011. (file photo)

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kuenderera mberi kusvika gore rinouya kunyange hazvo paine kunetsana.

Vachitaura nebepanhau reWall Street Journal, VaTsvangirai vakati hurumende inofanira hayo kukamhina kusvika gore rinouya sezvo pasina munhu ari kuda kuti nyika idzokere kumhirizhonga yakaitika muna 2008 iyo yakazopa kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa.

Asi vachitaura kuvatsigiri vavo pamhemberero yezuva rekuberekwa kwavo, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatiwo hurumende yemubatanidzwa yave bhasikiti raTizirai rekuti uku riri kurukwa, uku riri kurudunhurwa nekudaro sarudzo dzinofanira kuitwa gore rino.

VaMugabe vari kumbotiwo sarudzo idzi dzinogona kuitwa pasina kuvandudzwa zvinhu kusanganisira mitemo yesarudzo pamwe nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Munyori mukuru weMDC-T, VaTendai Biti, vanoti pane zvinhu zvakawanda zvinofanira kuitwa sarudzo dzisati dzaitwa.

Mukokeri weZanu-PF muparamende, VaJoram Gumbo, vanoti VaMugabe ndivo chete vanokwanisa kutara zuva resarudzo.

XS
SM
MD
LG