Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokurudzira Kubviswa kweZvirango Zvakatemerwa VaMugabe neVamwe Vavo


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kukurudzira nyika dzekunze kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo, sezvo zvinhu zviri kufamba muhurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vataura mashoko aya vari kumusangano weWorld Economic Forum, uyo uri kuitirwa muDavos, kuSwitzerland. Mumwe wevatevedzeri vaVaTsvangirai, VaArthur Mutambara, varikowo kumusangano uyu.

VaTsvangirai vanotiwo vari kutarisira kuti sarudzo dziitwe gore rinouya mushure mekunge bumbiro idzva remitemo yenyika ranyorwa.

VaTsvangirai vatiwo hurumende yemubatanidzwa haisi kuzodzokera kumashure, vakati vekunze vanofanira kuuya kuzovamba mabhizimisi munyika, sezvo zvinhu zvava mugwara rakanaka.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti dziri kushamiswa nemashoko aya, sezvo zvinhu muhurumende yemubatanidzwa zvisina kumira zvakanaka, uye nhaurirano pakati pemapato aya, dzarova mudhuri.

Zanu-PF iri kuti inoda kuti zvirango zvitange zvabviswa zvese pasati paita pamutsiridzwa hurukuro, idzo dziri kufanirwa kutanga musi wa8 Kukadzi.

VaMutambara vanotiwo zvakakosha kuti munyika muve nemitemo inochengetedza vemabhizinesi, izvo zvinozopa kuti vanhu vekunze vauye kuzovamba mabhizimisi avo munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti zvirango zvakatemerwa VaMugabe zvinofanira kubviswa pashoma nepashoma, kudzamara mapato ose ava kuremekedza chibvumirano cheGlobal Political Agreement.

XS
SM
MD
LG