Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voendesa Gakava Ravo naVaMugabe kuSADC neAU


Nyaya yekunetsana kwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, yakwira mutarara neChishanu mushure mekunge VaTsvangirai vanyora tsamba kuSADC, African Union nedzimwe nyika vachiti VaMugabe vave kutyora bumbiro remitemo uye vanofanira kudzorwa.

NeChina, VaTsvangirai vakaudza vatori venhau kuti havachacherechedzi vanhu vakawanda vakadomwa naVaMugabe zvisiri pamutemo mumwedzi gumi nemisere yapfuuura. VaTsvangirai vakati VaMugabe vainge voita humbimbindoga hwekudoma magavhuna, vatongi, vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika vasingatevedzeri zvinodiwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Chakanyaya kurwadza VaTsvangirai idanho rakatorwa naVaMugabe rekudoma magavhuna anobva kuZanu PF kuti ange achmirira hurumende mumatunhu gumi ari munyika. MDC inoti magavhuna ayo aifanirwa kudomwa mumatunhu akakunda bato ravo musarudzo dzemuna Kurume 2008.

Asi nhengo yeZanu PF inomiririra Tsholotsho North, VaJonathan Moyo, vanoti zvaitwa neMDC hazvina musoro uye vati kana bato iri richida kuti Zanu PF ivateerere, vanofanira kuona kuti zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo veZanu-PF zvabviswa nenyika dzakabudirira.

Mutauriri weMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo harisi kufara nemaitiro aVaMugabe, avo vanoziva kuti hurumende iripo haina bato rinofanirwa kuzviti ndiro rakakosha chete.

Asi sachigaro weNCA, uye vari nyanzvi munyaya dzezvemitemo, Doctor Lovemore Madhuku, vanoti MDC haifanire kungotaura chete pasina chairi kuita.

VaMadhuku vanoti zvinoshamisa ndezvekuti kunyange hazvo iri kuti haisi kuzotambira magavhuna akagadzwa nerweseri naVaMugabe, bato iri richangotarisa magavhuna aya paachange ari muparamende svondo rinouya neChipiri.

XS
SM
MD
LG