Accessibility links

VaTsvangirai Vanoyambira Kuti Nyika Yoenda kuMawere


Mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakadzoka kumusha eChishanu mushure mekusangana nevatungamiriri venyika dzemuSADC.

Vachivaudza kuti maitiro eZANU-PF ekusunga pamwe nekushungurudza nhengo dzebato ravo, anogona kuparadza hurumende yemubatanidzwa Vachitaura nevatori venhau mushure merwendo rwavo, VaTsvangirai vati vakasangana nemutungamiri weZambia, VaRupiya Banda, mutungamiri weMozambique, VaArmando Guebuza, mutungamiri weBotswana, VaIan Khama, pamwe nemutungamiri weSwaziland, Ishe Mswati, vachivatsanangurira nezvemaipiro aita zvinhu munyika.

VaTsvangirai vanoti kusungwa, pamwe nekurambidzwa kuri kuitwa bato ravo kuita misangano, kunoratidza kuti zvave pachena kuti vatungamiri vemapato ari muhurumende havachina masimba asi kuti mapurisa nevechiuto ndivo vave kutonga nyika.

Vati zviri pachena kuti kana SADC ikasapindira, mhirizhonga inogona kudzokera kusvika padanho remuna 2008.

VaTsvangirai vatiwo zvakakosha kuti SADC ione kuti chibvumirano cheglobal political agreement kana kuti GPA chatevedzwa chese kuitira kuti nyika ikwanise kufambira mberi murunyararo.

Vanotiwo zviri pachena kuti kunyange hazvo chibvumirano ichi hachisi kuzadzikiswa, sangano reSADC rinofanira kuumba hwaro hwekuita sarudzo dzakajeka munyika pasina mhirizhonga.

Panyaya yekuti mapurisa ari kuronga kuvasunga nenyaya yekuti vakashora matare edzimhosva nekumiswa pamberi kwedare kwerimwe remakurukota avo, VaElton Mangoma, VaTsvangirai vati kana izvi zvikaitika, Zanu-PF inenge yasvika pamagumo.

VaTsvangirai, avo vati vachasangana nemutunguriri weSouth Africa, VaJacob Zuma, nemusi weSvondo, vati zvakakosha kutaura nevatungamiriri venyika dzemuSADC nekuti ndivo vakaita kuti hurumende yemubatanidzwa ivepo.

Komiti yesadc inoona nezvekudzivirirwa kwedunhu iri pamwe nerunyararo ichaita musangano pamusoro pezimbabwe kupera kwemwedzi uno uye panogona kuitwa musangano wevatungamiriri venyika dzese dzemu sadc wekuzeya nyaya yeZimbabwe.

VaTsvangirai vari kunetsana naVaMugabe muhurumende yemubatanidzwa, vachiti VaMugabe vari kuita humbimbindoga, uye kuramba vachityora chibvumirano cheGPA, icho vanosungirwa kutevedza.

Chibvumirano ichi chinosungira VaMugabe kugara pasi nevamwe vavo vowirirana vasati vadoma vanhu vekuisa muzvinzvimbo zvepamusoro muhurumende.

Asi mutauriri weZanu-PF VaRugare Gumbo vanoti VaTsvangirai havafanire kungomhayira kunzew kana zvinhu zvanetsa.

Gweta uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo VaTinomudaishe Chinyoka vanoti SADC haina meno.

XS
SM
MD
LG