Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Vari Kuwirirana naVaMugabe muHurumende yeMubatanidzwa


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti kunyagwe hazvo vachiti panofanira kuitwa sarudzo gore rinouya uye paine kusawirirana kunotyisa pakati peZanu-PF neMDC, hukama hwavo nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, huchiri pari nani.

VaTsvangirai vagara vachishora vakaoma musoro muZanu-PF pamwe nevakuru vemauto, vachiti ndivo vari kuvhiringidza hurumende yemubatanidzwa kwete VaMugabe sezvinofungwa nevakawanda.

VaTsvangirai vakataura mashoko aya mushure mekuita musangano nemuparidzi wevhangeri ane mukurumbira zvikuru ku America, Amai Joyce Meyer, kumahofisi awo eMunhumutapa muHarare neChitatu manheru.

VaTsvangirai vakaudzawo muparidzi wevhangeri uyu kuti kuita hurumende yemubatanidzwa ndiyo chete nzira yange yasara yekubvisa zimbabwe kumawere kwayange yaenda.

Amai Meyer vanoti havasi munyika kuzoparidza chete asi kuti kuzobatsira vanoshupika.

Amai Meyer vari kubatsira nherera nevana vanoshaya vanopfuura zviuru makumi matatu uye vari kubatsirawo vasungwa.

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMaridadi vanoti Amai Meyer vakatendawo kutambirwa nemaoko maviri kwavakaitwa nehurumende.

XS
SM
MD
LG