Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Mauto Akawanda Anoremekedza Mitemo yeNyika


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti mauto akawanda munyika haadi kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika, asi kuti kune dzimwe nhinhi shoma dziri kutaura mashoko ekusaremekedza mitemo yenyika.

VaTsvangirai vakataura mashoko aya muBulawayo neChishanu pavainge vachiita musangano nevatori venhau mushure mekupeta rwendo rwavo rwemazuva matatu kuMatabeleland.

VaTsvangirai vazivisawo kuti vakatumira nhumwa kubva kubazi rezvemari pamwe nerekurongwa kwehupfumi kuti vaende kunoshanda nebhanga reCABS kuti vaone kuti mari dzeDistressed and Marginalized Areas Fund dzapihwa vemaindusitiri nechimbi chimbi sezvo vekuMatebeland vasiri kufara nekunonoka kupihwa mari kwavari kuitwa.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti mutungamiri wehurumende atiwo ane chivimbo chekuti gwaro rekutanga rebumbiro remitemo yenyika richapera gore rinouya.

Mune chimwe chiitiko, bato raVaTsvangirai ratumira munyori mukuru anoona nezvekurongwa kwemabasa emusangano, VaNelson Chamisa, kuMatabeleland kunoyedza kudzima moto wamuka muBulawayo zvichitevera kubuda mubato iri kwevanhu vane chitsama vachienda kuMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube.

Asi VaChamisa vaudza Studio 7 kuti handi chokwadi kuti bato ravo raita zinyekenyeke kuMatebelaland.

Masvondo maviri apfuuura zvinonzi vanhu vanodarika makumi masere nevana vakasiya MDC-T kuMakokoba vachinopinda murimwe bato reMDC.

Vanhu ava vanonzi vakati havasi kufara nezviri kuitwa nemumiriri wenzvimbo iyi, Muzvare Thokozane Khupe, vanova zvakare mutevedzeri wemutungamiri webato iri.

Zvinonzi pane kunetsana kunotyisa pakati paMuzvare Khupe naSenator Matson Hlalo, avo vaimbova sachigaro webato iri muBulawayo.

Nyanzi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa paHuddersfield University mu Britain, VaNkululeko Sibanda, vanoti mamiriro akaita zvinhu muBulawayo anoratidza kuti zvinhu hazvina kunaka muMDC-T.

XS
SM
MD
LG