Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti SADC Ichatumira Nhumwa Kuzoongorora Hurumende Yoita Zinyekenyeke


Zimbabwe's Prime Minister Morgan Tsvangirai gives a press conference in Harare to announce the reshuffling of ministers belonging to The Movement for Democratic Change (MDC) party, 23 Jun 2010
Zimbabwe's Prime Minister Morgan Tsvangirai gives a press conference in Harare to announce the reshuffling of ministers belonging to The Movement for Democratic Change (MDC) party, 23 Jun 2010

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vari kutarisira kuti SADC ichatumira nhumwa dzayo kuZimbabwe mumazuva mashoma anotevera, kuitira kuti dzigadzirise gakava rezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Izvi zviri kuitwa senzira yekugadzira hwaro hwemusangano weSADC, uyo uchakurukura nyaya yeZimbabwe mwedzi uno. Musangano uyu uri kuitirwa kuNamibia.

Mashoko aya anobuda apo mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vatumira zvakare nhumwa yavo, VaMac Maharaj, kuZimbabwe kuzoita musangano nevatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidzwa. VaMaharaj vakange vari kuZimbabwe zvakare svondo rapera.

Mumashoko aburitswa neMDC kuvatori venhau, VaTsvangirai vanoti bato ravo raneta nenyaya yekuti VaMugabe vari kuramba vachiita madiro ajojina muhurumende. Izvi zvinosanganisira nyaya yenziyo dzekurumbidza VaMugabe paZBC uye kudomwa kwevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika pasina kusumwa vamwe sezvinodiwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Munyori weSADC, VaTomaz Salomao, vanoti nyaya yeZimbabwe ichakurukrwa nezvayo pamusangano weSADC asi vati havana kusununguka kutaura nezve nenhumwa dzeSADC.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, vanoti havaoni SADC ichigadzirisa nyaya yeZimbabwe nekuti sangano iri harina meno.

XS
SM
MD
LG