Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokwezva Vane Mari muJapan Kuti Vatange Mabhizinesi Munyika


Firayim Minista Morgan Tsvangirai
Firayim Minista Morgan Tsvangirai

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vashora zvikuru mitemo yemunyika isina kunyatsonyorwa zvakanaka pamwe nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika vachiti izvi ndizvo zviri kupa kuti vemabhizimisi vekunze kwenyika vatye kutanga mabhizinesi muZimbabwe.

VaTsvangirai vataura mashoko aya neChitatu muTokyo, kuJapan, pamusangano weZimbabwe Investment Conference. Musangano uyu wanga wakanangana nekukwezva vemabhizinesi vekunyika iyi kuti vauye muZimbabwe.

VaTsvangirai vashora zvikuru vamwe vavo muhurumende yemubatanidzwa nekusatevedzera mutemo zvikuru panyaya yemutemo wekuendesa hupfumi kuvatema vachiti izvi zvave kutyisa vanhu vanoda kuvamba mabhizimisi munyika.

Vati mutemo uri pachena kuti hurumende inofanira kutenga zvikamu zvainoda kubva mumakambani ekunze kwete kungotora sezviri kudiwa nevamwe muhurumende yemubatanidzwa. Vati kunyange hazvo vamwe muhurumende vari kuomesa musoro, ivo pachavo vari kumboyedza napose pavanogona kumisa izvi.

VaTsvangirai vatiwo kunetsana kuri munyika kunopedzwa chete nesarudzo dzakachena dzinotsigirwa nesangano renyika dzekuchamhembe kweAfrica, reSADC.

Mutungamiri wehurumende atiwo kunyange zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika, zvikakosha kuti vekunze vauye kuzouchika mari dzavo munyaya dzemigodhi, zvekurima, migwagwa nekushanyirwa kwenyika sezvo vaine chivimbo chekuti zvinhu zvichachinja.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti VaTsvangirai havafaniri kushora mitemo yenyika nokuti bato ravo raiava muparamende pakapasiswa mitemo iyi mudare reparamende.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vaimbova mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti sarudzo chete ndidzo dzingashande kugadzirisa matambudziko akatarina nenyika.

XS
SM
MD
LG