Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Bato Ravo Rinoremekedza Mitemo yeNyika


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vazivisa kuti ivo nebato ravo vanoremekedza zvikuru mitemo yenyika pamwe nekuremekedza matare edzimhosva.

Mumashoko avo avakaburitsa neChipiri, VaTsvangirai vakati bato ravo rinodavira kuti makakava anofanirwa kugadziriswa nematare, izvo zvinopa kuti varambe vachienda kumatare aya kuti agadzirise makakatanwa anenge aripo.

Mashoko avo aya anotevera mashoko avakataura masvondo maviri apfuura, mushure mekunge dare reSupreme Court rapa mutongo wekubvisa VaLovemore Moyo pachigaro chemutauriri wedare reparamende richiti vakanga vasarudzwa nenzira dzisina kuchena.

Vachipa pfungwa dzavo pamutongo uyu, VaTsvangirai vakati ivo nebato ravo vakanga vasiri kuzotambira mitongo yevamwe vanozviti vatongi vematare, asi ivo vari nhengo dzeZanu PF.

Vakatiwo mitongo mizhinji yakaitwa mushure mekunge vakuru vematare edzimhosva vakaita saVaDumbutshena naVaGubbay vasiya mabasa, inodzikisa chiremera chematare aya sezvo ave kuonekwa seanodyidzana neZanu PF.

Asi mumashoko avo neChipiri, VaTsvangirai vakati vakaita zvechimbi chimbi mukutaura mashoko avakataura munguva iyoyo, sezvo mutongo wedare uyu, waidzikisa zvikuru mufaro mubato ravo. Vakatiwo mashoko avakataura haafanirwe kutorwa nenzira isiri iyo.

Vamwe muZanu PF vakanga vatotanga kare kuti VaTsvangirai vasungwe nekuzvidza matare.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti mashoko aVaTsvangirai ndeekutsinhira zvavakataura masvondo apfuura, kwete kuti vari kukumbira ruregerero kana kunzvenga zvavakataura.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti zvaitwa naVaTsvangirai ndiko kunonzi kukumbira ruregerero kwemunhu wemukuru.

XS
SM
MD
LG