Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoshora Zviri Kuitwa naVaTomana


Mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vanoti makurukota ehurumende pamwe nevashandi vemumapazi ose ehurumende vanofanira kuita zvinhu zviri pachena kuitira kuti veruzhinji vagovimba navo.

VaTsvangirai vataura mashoko aya pamusangano warongwa nesangano reMedia Institute of Southern Africa, kana kuti MISA pamwe chete nere Centre for Public Accountability. Vachitaura pamusangano uyu, Va Tsvangirai vati makurukota ehurumende ese anoita zvehuwori achasungwa sezvo vachiti hurumende yemubatanidzwa yakazvipira kurwisana nehuwori.

Va Tsvangirai vatsoropodza gweta guru rehurumende, VaJohannes Tomana nekusafambisa zvakanaka basa vachiti VaTomana vanongoita zvinodiwa nebato reZanu PF chete vasingaite zvinotarisirwa kuti vaite semushandi wehurumende.

Vatiwo dare remakurukota ehurumende rakabvumirana kuti dzimwe nhepfenyuro dzinofanirwa kupihwa marezenesi ekutepfenyura kuitira kuti vari muhurumende vagowongororwa zvose zvavanenge vachiita.

Va Tsvangirai vati hakuna zvirango zvehupfumi zvakatemerwa nyika vachiti chiripo ndechekuti vamwe veZanu PF vari muhurumende vaibuditsa mari kunze kwenyika zvechikoronyera, izvo zvakapa kuti hurumende ye Ameraica pamwe European Union varambidze vanhu vakadai kuti vafambe vachinodya mari idzi pamadiro, veruzhinji vachinhonga svosve nemuromo munyika.
Musangano uyu wanga uine donzvo rekuti pave nekubudirana pachena kuti veruzhinji vavimbe nehurumende.

Musangano uyu wapindwa nevari murumende, masangano anoshanda akazvimirira pamwe nenhengo mbiri dzeparamende yeku South Africa, Va Mlindi Nhanha vebato re Congress of the People, naVa Themba Godhi vanove sachigaro vekomiti inowona nezvemafambisirwo emari muhurumende yeSouth Africa.

Mune imwewo nyaya, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti havawiriranwe nepfungwa yemutungamiri weSouth Africa, avo vachakumbira European Union kuti ibvisire Zimbabwe zvavanoti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika iyi. VaRuhanya vati VaZuma vanofanirwa kuudza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vabvise zvirango zvavakatemera vanhu vemuZimbabwe, zvakafanana nekutyorwa kwekodzero, pamwe nekumbunyikidzwa kuri kuitwa vanhu.

VaZuma vari kutarisirwa kutaura mashoko avo pamusangano weEuropean Union - South Africa Summit uri kuitirwa muBrussels neChipiri.

XS
SM
MD
LG