Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokurudzira Machechi Kuparidza Vhangeri reRunyararo


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti machechi anofanirwa kutungamira uye kusimbisa mabasa ekuregererana pamwe nekupodzwa kwemaronda munyika, kuitira kuti nyika ibudirire munyaya dzeupfumi uye kugarisana murunyararo.

Vachitaura neSvondo kugungano reMethodist Church Harare Districts, muHarare, VaTsvangirai vakati zvakakosha zvikuru kuti vana veZimbabwe varegererane, zvikuru pachitariswa makore apfuura ayo akanga aine mhirizhonga inotyisa.

Vakatiwo machechi anofanirwa kutora danho repamusoro pakutungamira mumabasa aya, kuitira kuti nyika ifambira mberi.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vaudza Studio7 kuti VaTsvangirai vagara vachingoparidza shoko rekuti vanhu vadzidze kuregererana uye kugarisana. VaTamborinyoka vanoti ibasa remunhu wese wemuZimbabwe kuita izvi, kwete kusiira vemachechi chete.

XS
SM
MD
LG