Accessibility links

VaTsvangirai Vanogadzirisa Zvinetswa Mubato Ravo muBulawayo

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri webato guru reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakaratidza masimba avo apo vakaudza zvikwata zvebato ravo zvanga zvichirwisana muBulawayo kuti zvinofanirwa kushanda pamwe chete. VaTsvangirai vakaudzawo nhengo dzebato ravo kuti MDC haisi kuzogarira maoko ichisiya vanhu vachiita mhirizhonga mubato iri pasina zvavanoitwa.

VaTsvangirai vakataura mashoko aya muBulawayo neMuvhuro apo vakasangana nehutungamiri hwebato ravo vachigadzirisa kusawirirana kukuru pamwe nemhirizhonga iri mubato ravo mudunhu reBulawayo.

Izvi zvakatika kwasara mazuva mashoma ekuti kongiresi huru yebato iri itange muguta reBulawayo.

Purovhinzi yeBulawayo yaita mhirizhonga kanokwana katatu ichida kuita sarudzo yekongiresi yayo.

Vanhu vanonzi vakachekana nemapanga pakati pevatsigiri vevaive sachigaro vedunhu reBulawayo, VaMatson Hlalo, pamwe nevatsigiri vevakasarudzwa kuve sachigaro mutsva uye vari gurukota rinoona nezvemakambani ehurumende, VaGorden Moyo, avo vaimbova mukuru weBulawayo Agenda.

Mhirizhonga iyi inonzi yakatadzisa sarudzo dzekutsvaga hutungamiri hwebato muBulawayo, uye kushara vachakwikwidza zvigaro zvepamusoro pakongiresi huru.

Chikwata chaVaHlalo chinonzi changa chichida kuti zvakabuda musarudzo dzakashara VaMoyo kuti vave sachigaro, zvisendekwe, danho rinonzi rairambwa nevamwe vari muhutungamiri.

Sarudzo dzisina kuzoitwa nepamusana pemhirizhonga dzinosanganisira dzevechidiki, dzinonzi dzava kuzoitwa neChipiri uye kusharwa kwevachakwikwidza kukongiresi kunobva kwateverawo.

VaTsvangirai vanonzi vakambenge vati zviri kunetsa zvichagadziriswa kana kongiresi huru yapera, izvo zvinonzi hazvina kutambirwa nechikwata chaVaHlalo.

Asi ivo VaHlalo vaudza Studio 7 kuti vatambira zvasungwa nehutungamiri hwebato ravo.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti vakakonzeresa mhirizhonga mudunhu iri vachatorerwa matanho akaomarara.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti kugunun’una pamwe nemhirizhonga yanga ichiitika muguta riri kuitirwa kongiresi huru yeMDC yaVaTsvangirai, chiratidzo chekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato iri.

Nyanzvi idzi dzinoti MDC ikatadza kugadzirisa zviri kunetsa, kongiresi yayo huru inogona kuvhiringwa nemhirizhonga.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari maneja wezvirongwa zveCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vaudza Studio7 kuti havaone kongiresi iyi ichitadza kubudirira sezvo hutungamiri hwebato iri hwagadzirisa zvanga zvichinetsa.

XS
SM
MD
LG