Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanochinja Mamwe Makurukota eBato Ravo muHurumende


Zimbabwe's Prime Minister Morgan Tsvangirai gives a press conference in Harare to announce the reshuffling of ministers belonging to The Movement for Democratic Change (MDC) party, 23 Jun 2010

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, neChitatu vakavandudza chimiro chemamwe makurukota ebato ravo ari muhurumende yemushandira pamwe. Izvi zvaita kuti makurukota maviri pamwe nevatevedzeri vemakurukota vaviri varasikirwe nebasa muhurumende, vachinzi vava kunoshandira bato.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paHarvest House, VaTsvangirai vakati kuvandudza kwavaita chimiro chemakurukota eMDC muhurumende vakuitira kuti ruzhinji rweZimbabwe rwuone shanduko mumararamiro avo pamwe nekusimbaradza bato ravo.

VaTsvangirai vati vange vari gurukota rezvemagetsi, VaElias Mudzuri, vachange vava kushanda vari kuMDC chete semukuru anoona nezvemabasa ezvematongerwo enyika mubato sezvo vari ivo vanoona nezvekurongwa kwemisangano mubato ravo.

Vati VaMudzuri vaigona basa zvikuru asi vawona zvakakodzera kuti vashande vari kubato vachiti mabasa mazhinji ebato anga ava kusafambira mberi sezvo vanhu vazhinji vanga voswera vachingoita mabasa ehurumende. VaMudzuri vatsviviwa naVaElton Mangoma, avo vange vari gurukota rinoona nezvekurongwa kwehupfumi.

Mutevedzeri wemunyori mukuru muMDC, VaTapiwa Mashakada, ndivo vatsiva VaMangoma.

VaGiles Mutsekwa, avo vange vari rimwe remakurukota maviri anowona nezvinoitika mukati menyika, vatsiviwa naAmai Theresa Makone, avo vange vari gurukota rinoona nezvekugadzirisa zvivakwa zvehurumende. VaMutsekwa vachange vave gurukota rezvekuvakwa kwedzimba.

Vange vari mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaJameson Timba, ndivo vave gurukota rehurumende muhofisi yemutungamiri wehururumende.

Vange vari mutevedzeri wegurukota rinoona nezvigodhi, VaMurisi Zwizwai, ndivo vatsiva VaTimba.

Chinzvimbo changa china VaZwizwai chapihwa VaObert Gutu. Mumiriri weMasvingo Central, VaTongai Matutu, ndivo vachave mutevedzeri wegurukota rezvevechidiki, vachitora basa ranga richiitwa naVaThamsanqa Mahlangu.

VaMahlangu, avo vanove mutungamiri wevechidiki muMDC, vava kushanda vari mubato chete. Vanga vachiona nezvinoitika muhofisi maVaTsvangirai, VaGorden Moyo, ndivo vadomwa kuti vave gurukota idzva rinoona nezvemakambani ehurumende.

Vange vari gurukota rebazi iri, VaJoel Gabuza, ndivo vatsiva chinzvimbo changa chiina Amai Makone. Muzvare Jessie Majome, avo vange vari mutevedzeri wegurukota rezvemutemo, ndivo vave mutevedzeri wegurukukota rinoona nezvemadzimai, basa ranga richiitwa na Amai Evelyn Masaiti.


VaTsvangirai vati vakatozivisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nezvekuvandudza makurukota eMDC ari muhurumende vachiti makurukota matsva achatoreswa mhiko neChina. VaTsvangirai vati makurukota ari kudzokera kubato ane basa guru mukugadzirira bato ravo kupinda musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rinoouya.

Vachipindura vatori venhau panyaya yekuti kubviswa kwaVaMudzuri kungave here nechokuita nekupokana kurimo mu MDC, VaTsvangirai vati hamuna kupokana kurimo mubato ravo, vachiti zvavaita izvi ndizvo zvinoita kuti veruzhinji vawane shanduko inounzwa nehurumende yemushandira pamwe nekusimbaradza bato ravo.

Nyaya yekubviswa nekuiswa kwemamwe makurukota ehurumende muMDC kwakonzera mutauro munyika.

Mutauriri weZanu-PF, VaJoram Gumbo, vaudza Studio 7 kuti vanzwa nezvedanho reMDC uye havaoni VaMugabe vachirega kutoresa mhiko makurukota matsva aya. Vati kuZanu-PF hakuna chiri kuzovandudzwa pari zvino nekuti bato ravo rakabatana.

Bepanhau reHerald range rati VaMugabe vange vasina kunyatsosumwa nezvedanho iri zvekuti zvinozonetsa kutoresa mhiko makurukota matsva.

Sachigaro we NCA, VaLovemore Madhuku, vanoti VaTsvangirai vari kungoratidza masimba avo sezvo pasina chikonzero chakati tsvikiti chaitirwa izvi.

XS
SM
MD
LG