Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanobuda Pachena Pahukama Hwavo naMuzvare Karimatsenga


VaTsvangirai, vanoti vaodzwa mwoyo nemaoko akawanda avanoti apinzwa mugapu rehupenyu hwavo naMuzvare Locadia Karimatsenga

Mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai vabvuma kuti vakaita zvinodiwa pachivanhu senzira yekugadzirisa hukama hwavo nemhuri yekwa Muzvare Locadia Karimatsenga Tembo.

Izvi zvinotevera mashoko anga achibuda mumapepanhau ekuti VaTsvangirai vakaroora Muzvare Karimatsenga.

VaTsvangirai havana kuramba mashoko ekuti vakaroora, asi vati vakasvibiswa mwoyo nezvakazoitika mushure mekunge vazvizivisa kumhuri yekwaVaKarimatsenga semukuwasha.

VaTsvangirai vati hukama wavo nemhuri yekwaKarimatsenga hwakamhanyirwa nevamwe vane zvinangwa zvavo, izvo zvakazopedzisira zvobudiswa mumapepanhau nenzira isiri iyo.

Vati izvi zvakavasvibisa mwoyo zvokuti ivo pachavo vakatoudza mhuri yekwaKarimatsenga kuti havachaendereri mberi nehukama hwavanga vavaka pakati pemhuri yekwaTsvangirai neyekwaKarimatsenga.

VaTsvangirai vati vainge vafunga kuti ivo naMuzvare Karimatsenga vaizovaka musha mutsva, asi vaona sekunge paita mawoko akawanda, ayo anosanganisira evasori, anga achipindira munyaya iyi.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura nemutauriri wemhuri yekwaKarimatsenga. Asi Amai Beater Beatrice Nyamupinga, mukoma waMuzvare Karimatsenga avo vakamboudza Studio 7 kuti munin’ina wavo aroorwa naVaTsvangirai, havana kuda kutaura vachiti vari mumusangano.

VaTsvangirai vati vachazoudza nyika yose kana vachinge vawana mudzimai wavanoda kuroora, uye vatorawo mukana uyu kukumbira ruregerero kuvanhu vemuZimbabwe kuburikidza nezvakaitika izvi.

Vati masvondo maviri apfuura anga akavaomera zvikuru ivo nevana vavo, vakati kunyange hazvo zvakaitika izvi zvichisvibisa chimiro chavo, havasi kuzooreswa moyo muhondo yavo yekuunza shanduko yechokwadi munyika.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzaudza Studio 7 kuti VaTsvangirai vanofanirwa kuzvibata semukuru wenyika nekukwanisa kubvuma mhosva kana vakanganisa, kwete kunenedzera vamwe. VaTsvangirai vari kutiwo kuroora kwavo kwainge kwopindirwa nevesangano revasori.

Imwewo nyanzvi munezvematongerwo enyika VaCharles Mangongera vatiwo VaTsvangirai vaita zvakanaka nekubuda pachena pavamire panyaya iyi, sezvo kunyarara kwavo kwanga kuchiita kuti pabude mashoko akawanda.

XS
SM
MD
LG