Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Sarudzo Dzinogona Kutadza Kuitwa Gore Rinouya


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti nyika inogona kutadza kuenda kusarudzo gore rinouya kunyange hazvo ivo pamwe chete nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakambotaura mashoko ekuti sarudzo dzichaitwa gore rinouya.

VaTsvangirai vataura mashoko aya pamusangano wezvemabhizimusi waitirwa muHarare neChitatu uyo warongwa nesangano re American Business Association of Zimbabwe.

VaTsvangirai vati kunyange hazvo vachida kuti sarudzo dziitwe nekukasika, sarudzo idzi dzinogona kutadzwa kuitwa gore rinouya, sezvo vachiti panoda kuitwa gadziriro yakakwana kuitira kuti zvinobuda musarudzo idzi zvisave zvinopikiswa.

VaTsvangirai vatiwo ongororo yekuti ndivanani vakapiwa mapurazi inofanira kuitwa nechimbichimbi kuitira kuti hurumende inogokwanisa kunyatsoronga kuti yogovera seyi veruzhinji minda zviri pachena.

VaTsvangirai vati kunyange hazvo pachine vamwe vari kukanganisa zita rehurumende nokuita zvemhirizhonga, hurumende yemubatanidzwa yakazvipira kugadzirisa zvinhu, kuitira kuti vemabhizimusi vekunze vagokwanisa kusima mari munyika.

Mumashoko avo averengwa negurukota rinoshanda muhofisi yemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, Va Sylvester Nguni, vati hurumende inoda kuti zvirango zvehupfumi zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo vari mu Zanu PF, zvibviswe kuitira kuti vemabhizimusi vemuno vagokwanisa kudyidzana nevemabhizimusi vekunyika dzakatemera Va Mugabe nevamwe vavo zvirango izvi.

Mumwe anga ari pamusangano uyu uye vari sachigaro we Centre for International Private Enterprise yekuAmerica, VaGreg Lebedev, vati Zimbabwe inofanira kugadzirisa chimiro chayo kuitira kuti vekunze vagokwanisa kusima mari yavo munyika.

Musangano uyu wanga uri wekutarisa nzira dzekuita mabhizinesi pakati peZimbabwe nedzimwe nyika.

Mune imwewo nyaya, mubatanidzwa wemasangano evashandi pasi rose, weInternational Trade Union Confederation, ITUC, uri kukurudzira kuti munyika mugoitwa sarudzo dzakachena uye murunyararo kuitira kuti pazove nehurumende isingatyori kodzero dzevashandi.

Vachitaura vari muHarare neChipiri, munyori mukuru wesangano iri, Amai Sharon Burrow, vakati kana pasina hurumende yakasarudzwa zvakachena, uye murunyararo, vashandi vacharamba vachishungurudzwa, kodzero dzavo dzichityorwa.

Sachigaro weZCTU, VaLovemore Matombo, vanoti sevashandi, vanoda kuti kodzero dzavo dzichengetedzwe nehurumende inenge yasarudzwa nevanhu.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaSydney Chisi, vanoti hurumende iripo haina kubatana, izvo zvichaita kuti kurongwa kwesarudzo kunetse kuita.

XS
SM
MD
LG