Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti Mambo Negomo Vava Kuita Mahumbwe


Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, kuburikidza nebato ravo, vanoti havasi kuzotambira zvakaitwa naMambo Negomo neChitatu.

Mambo Negomo vakasiya vakanda masamanisi ekuti VaTsvangirai vauye kuzomira pamberi pedare ravo mukupera kwesvondo vachitongwa nemhosva yekuroora munguva inonzi naMambo Negomo inoyera.

Izvi zvinotevera kubvisa mari kwakaitwa naVaTsvangirai kumhuri yekwaKarimatsenga Tembo vachinzi vairoora Muzvare Locadia Karimatsenga Tembo.

Asi VaTsvangirai vakazobuda vachiti vakanga vogura hukama zvichitevera mabatirwo akaitwa nyaya iyi nemasangano enhau zvikuru ari pasi pehurumende.

Mumashoko ayo kuvatori venhau, MDC-T inoti mambo Negomo vave kushandiswa nebato reZanu-PF kuita zvematongerwo enyika mukuyedza kuzvibisa zita raVaTsvangirai.

MDC-T yatiwo mashura padunhu chaiwo kuti ishe mbune vanosimuka kunopa masamanisi munhu wavari kuda kutonga.

Mambo Negomo vanoti VaTsvangirai vakabvisa pfuma kumhuri yekwaMuzvare Locadia Karimatsenga muna Mbudzi nekudaro mhuri mbiri idzi dzinofanira kuuya kudare dzichitongwa nemhosva yadzakapera.

Nhengo yeZanu PF kuMazowe North, VaCairo Mhandu, avo vakaperekedza Mambo Negomo vanoti VaTsvangirai vanogona kuomeserwa vakasaenda kudare kwaMambo Negomo.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti aya mahumbwe nekudaro VaTsvangirai havasi kuzozviteerera.

XS
SM
MD
LG