Accessibility links

Breaking News

Chitungwiza Yoberekera Ingwe kuVatsigiri veMDC?


Zimbabwe Stayaway

Mutevedzeri wasachigaro weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJob Sikhala, vanoti munzvimbo yeSt Marys kuChitungwiza maberekera ingwe zviri kupa kuti vatsigiri vebato ravo vatize misha vachienda kunohwanda.

VaSikhala, avo vanova mumiriri weZengeza West mudare reparamende, vanoti vatsigiri vebato ravo vari kutsvagwa nemumwe mukuru wemapurisa vangonzi vanonzi VaJabangwe munharaunda iyi vachida kusungwa.

Tayedza kubata VaJabangwe asi havana kuda kupindura mibvunzo yedu.

Studio7 haina kukwanisawo kunzwa kumutauriri wemapurisa,. Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti seyi vatsigiri ava vari kuda kusungwa nemapurisa.

Asi zvinonzi nyaya yekuda kusungwa kwevatsigiri veMDC yakanangana nekuda kuratidzira kuri kuda kuitwa nebato iri munyika yose.

VaSikhala, avo vakasungwa mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, vaudza Studio 7 kuti vanhu vakawanda vari kutiza dzimba dzavo vachitya kusungwa.

Vanhu vanopfuura makumi mapfumbamwe vakasungwa muHarare Chishanu chapfuura vachisungirwa zvine chekuita nekuratidzira kwainge kwarongwa neMDC musi uyu.

Bato reMDC riri kuda kuratidzira mumaguta makuru munyika asi mapurisa ari kushandisa chikamu chemutemo wePublic Order and Security Act kurambidza bato iri kuenderera mberi nekuratidzira kwaro.

Kusvika pari zvino mapurisa arambidza MDC kuti isaratidzire muHarare, Bulawayo, Gweru neMasvingo.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti izvi zvinogona zvakare kuitika kwaMutare uko MDC ine hurongwa hwekuratidzira nemusi weChina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG