Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veMDC Alliance Vorwiswa neVanofungidzirwa Kuti VaTsigiri veZanu-PF paMusangano Wavo


Chamisa
Chamisa

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa neMuvhuro vakaita misangano nevatsigiri vavo kuCaledonia neMabvuku kwavakati makanzura ebato ravo achaita huori kana vapinda panyanga vachadzingwa pamwe nekutorerwa matanho akaomarara.

Pakamboita mhirizhonga pakati pevechidiki vebato ravo nevechidiki veZanu PF vaChamisa vasati vasvika kuCaledonia.

musangano weMDC Alliance
musangano weMDC Alliance

Mhirizhonga inonzi yakaitika panzvimbo yemabhizimusi paGazebo kuCaledonia apo vechidiki veZanu PF vanonzi vakanda matombo panga pakaungana vatsigiri veMDC Alliance vakamirira VaChamisa.

Imwe nhengo yeboka revechidiki muMDCT inotungamirwa naVaChamisa, VaDennis Muroyiwa, vaudza Studio 7 kuti vechidiki veZanu PF vanga vaine chitsama vapotedzera matombo zvaita kuti vatsigiri veMDC vaviri vakuvare. VaMuroyiwa vati vakuvara ava vakaendeswa kuchipatara.

Hatina kukwanisa kutaura nasachigaro weboka revechidiki muZanu PF, VaGodfrey Gomwe, kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi.

Mhirizhonga yaitika iyi inouya panguva iyo mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachigara vakataura kuti vanoda sarudzo dziri pachena uye dzisina mhirizhonga.

Pavakasvika kuCaledonia, VaChamisa vatsoropodza nyaya yemhirizhonga vachiti mawoko avo akachena panyaya yemhirizhonga.

Vachitaurawo pane mumwe musangano wakaitirwa kuMabvuku, VaChamisa vati makanzura ese ebato ravo achaita huori kana vachinge vapinda panyanga varangwa zvakaomarara vachiti mameya anofanira kunge aine masimba.

VaChamisa vakakurudzirawo kuti vatsigiri vebato ravo vavhotere VaJames Chidhakwa pasarudzo dzeparamende vachiti nhengo yeparamende inomirira Mabvuku parizvino, VaJames Maridadi, havana rutsigiro rwebato ravo sezvo vachiti vakaendesa mapepa ekukwikwidza kuZEC zvemusoro wavo mushure mekunge vakundwa naVaChidhakwa musarudzo dzema primary dzebato ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG