Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri vemaWarriors Voshushikana neMatambiro eVatambi Vavo Pamberi peMakwikwi eAfcon


Vatsigiri vemutambo wenhabvu vari kushushikana nemamiriro akaita zvinhu kwasara masvondo matatu chete kuti chikwata chavo chemaWarriors chipinde munhandare mumutambo mukuru we 2019 Africa Cup of Nations neCongo Brazzaville.

Chirikutemesa musoro vatsigiri vemaWarriors ndechekuti vatambi vavo havasi kutamba kuzvikwata zvavo zvekunze kwenyika, uyezve varikutamba vacho, varikutatarika zvinotyisa, kwasara masvondo matatu chete, kuti mutambo uyu utambwe.

Vatsigiri ava vanoti vatambi vanga vachisimudza chikwata ichi mudenga pamitambo yakapfuura ndivo vasiri kutamba kuzvikwata zvavo kana kuti vari kutatarika.

Kaputeni wechikwata ichi Knowledge Musona ar ikukundikana kupinda muchikwata cheLockeren icho chiri pasi pasi muPremier League yekuBelgium mushure mekumboendeswa kuchi kwata ichi kwekanguva nechikwata chake chepamusoro cheAnderlecht.

Marvelous Nakamba haasi kutamba kuClub Brugge kuBelgium, zvichisanganawo naKhama Billiart uyo arikutatarika kuOrlando Pirates kuSouth Africa sezvo ari kunzi akakuvara.

Pamusoro pezvo, Tino Kadewere achagowana basa kuchikwata chisina mukurumbira cheHelsingboks kuSweden mushure mekubva kuchikwata chekuLe Havre iyo ine mukurumbira kuFrance.

Izvi mumwe muteveri wemutambo uyu VaInnocent Mutena vanoti zviri kukanda rima muchinagwa cheZimbabwe chekuenda kuma fainari e2019 Africa Cup of Nations ayo achaitirwa kuEgypt muna Chikumi.

Mutsigiri weCaps United VaLloyd Sande vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Murairidzi wemaWarriors Sunday Chidzambwa ari kutarisirwa kudoma chikwata chake chemutambo uyu mangwana asi maneja wema Warriors VaWellington Mpandare vanoti Chidzambwa arikuda kutarisa vamwe vatambi vatsva McCauuley Bonne arikutamba kuEngland naKelly Lunga uyo ari kuGermany.

Asi mutsigiri wema Warriors VaHebert Mushuje vanoti izvi zvine ngozi. Munyori wezvemutambo wenhabvu VaLeopold Munhende vanoti havasi kuona maWarriors achinyanyonetseka mumutambo nema Red Devils ekuCongo uyu.

MaWarriors arikungoda poindi imwechete kubva pamutambo uyu kuti vabudirire kuenda kuAfcon.

Pari zvino, maWarriors ndiwo ari pamusoro pegungano rezvikwata zvina iri nemapoinzi manomwe vachiteverwa neCongo DR iyo ine mapoinzi matanhatu.

Congo Brazzaville neLiberia dzakabatana pamapoinzi mashanu. Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvinoenderera mberi nemakundano aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG