Accessibility links

Breaking News

VaTsigiri veDynamos Vanoti Sachigaro Wavo VaKen Mubayiwa Ngavasiye Basa


Vatsigiri veDynamos vari kudya marasha mushure mekurohwa zvekare neSvondp nekudonha mugungano reCastle Lager Premier Soccer League.

Vatsigiri vechikwata ichi nezuro vakaungana panze peRufaro Stadium vachiimba nekunyomba mutungamiri wechikwata chavo VaKeni Mubaiwa vachiti vauraya chikwata ichi mushure mekurohwa kwavakaitwa neFC Platinum 2-0.

Dynamos yakatizwa nevatambi vakawanda kusanganisira Christian Epoupa, Masimba Mambare na Tichaona Chipunza nemhaka yekusabhadharwa.

Vatsigiri vechikwata ichi varikupomera VaMubaiwa mhosva yekuita kuti vatambi vane mukurumbira ava vasiye basa vachienda kune zvimwe zvikwata uko vari kuita mashiripiti.

VaMubaiwa nditezvara wemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga.

Murairidzi mutsva wechikwata ichi Biggie Zuze abudawo pachena kuti vatambi vechikwata ichi havasi kutamba sezvinotarisirwa nemhaka yekuti chikwata chavo chine chikwereti chavo chinobvira gore rapera.

Asi Zuze ane tarisiro yekuti Dembare inopedza iri pazvikwata zvina zvepamusoro soro mwaka uno kunyange hake abvuma kuti zvemukombe zvave zviroto chete.

Dynamos yave pachinzvimbo chegumi nemapoinzi gumi nemaviri. Asi Ngezi Platinum Stars haina dambudzikokunge rine Dynamos mushure mekurakasha Bulawayo City 4-0 ndokuramba iri pamusoro petafura nemapoinzi mashanu pamusoro peFC Platinum.

Vakawanda vanotevera nhabvu muZimbabwe vanofunga kuti Madamburo yatotora mukombe kare asi chikwata ichi hachisati chasangana neFC Platinum iyo irikuvatevera uyezve iri iyo ine mukombe uyu.

Zvimwe zvikwata zviri kurwira kutora mukombe mukuru uyu neNgezi neFC Platinum, zvakadonhedza mapoinzi akakosha mushure mekunge Highlanders yakaita mangange 0-0 neCaps United, Chicken Inn ichiitawo mangange 1-1 meHarare City.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi ……

Mutare City 1 Herentals 1

Triangle 0 Black Rhinos 1

Shabanie 0 Chapungu 1

Nichrut 1 Bulawayo Chiefs 1

ZPC Kariba 1 Yadah 0

Kwatambwa mitambo gumi nemiviri, zvikwata zvina zviri pamusoro soro petafura ndeizvi….

Ngezi Platinum Stars 32 points

FC Platinum 27 points

Highlanders 22 points

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG