Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZanu Pf Voramba Vachitiza Kubva paMisangano yaVaMnangagwa


Vamwe vatsigiri veZanu PF vari pamusangano.
Vamwe vatsigiri veZanu PF vari pamusangano.

Vatsigiri ve Zanu PF vakabuda vachimhanyidzana kutiza munhandare yeRudhaka kuMarondera pamusangano wekutsvaga rutsigiro wakaitwa musi wa21 Chikunguru nevachamirira bato reZanu PF musarudzo yemutungamiri wenyika uye vari mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa.

VaMnangagwa vaitsvaga rutsigiro musarudzo dziri kuitwa musi wa30 Chikunguru.

Nemusi weChishanu vatsigiri veZanu PF vakaonekwazve vachimhanyidzana kubva pamusangano wakaitirwa munhandare yendege diki kwaMutare apo mutevedzeri wemukuru wenyika VaConstentino Chiwenga vaive vachiri kuzivisa VaMnangagwa semunyarikani pamusangano uyu.

Masvondo akapfuura zvimwechetezvo zvakaitika kuChipadze kuBindura mudunhu reMashonaland Central, apo vanhu vakatanga kubuda munhandare iyi VaMnangagwa vasati vapedza kutaura kuvatsigiri vavo.

Munyori wezvekufambiswa kwebasa mu Zanu PF,VaObert Mpofu, vanoti hazvina basa kuti vanhu vari kubuda mumusangano chakakosha kuti vanenge vauya ndizvo zvinotaridza trutsigiro rwavo.

Muongorori wezvenyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya vanoti Zanu Pf yanga iine zvipo zvekupa vanhu payakatanga kutsvaga rutsigiro asi pari zvino zvave kuita sezvave zvishoma saka vanhu vaienda kumisangano kuti vagopihwa zvipo havachisina shungu nekuswera pamisangano iyi.

Vanotiwo vanhu vari kumanikidzwa kuenda kumisangano iyi saka vachizoita zvekutiza isati yapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG