Accessibility links

Breaking News

VaTsenengamu Vopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Zanu PF Youth League Political Commissar Godfrey Tsenengamu
Zanu PF Youth League Political Commissar Godfrey Tsenengamu

Vaimbova nhengo yeZanu-PF Youth League, uye vachiona nezvekufambiswa kwemabasa, VaGodfrey Tsenengamu vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare repamusoro neChitatu.

VaTsenengamu avo vange vave nemazuva gumi vari mutirongo vanzi vabhadhare madhora zviuru gumi kana kuti ZW10 000

Mutongi wedare repamusoro VaDavison Moses Foroma vashora mejastiriti VaNgoni Nduna avo vakanyima VaTsenengamu mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti pane vanhu vaivatevera nekudaro zvaive nani kuti vagare mujeri.

VaForoma vati hapana humbowo hwekuti pane vaisazivikanwa vaitevera VaTsenengamu sezvakataurwa nevachuchusi kudare zvakapa kuti vagariswe mujeri.

VaTsenengamu vari kupomwrwa mhosva yekukurudzira vanhu kuti varatidzire musi wa31 Chikunguru. Asi vari kuramba mhosva iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG