Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vomanikidzwa nevamwe Kusiya Basa neNyaya Yekuda Kupidigura Hurumende Iri Kuuya


Nhengo dzakawanda dzedare reCongress muAmerica dziri kuti mutungamiri wenyika VaDonald Trump vanofanira kutorerwa matanho ekumanikidzwa kusiya basa sezvo vari kupomerwa mhosva yekupesvedzera vatsigiri vavo kuti vaite mhirizhonga.

Asi VaTrump vari kuramba mashoko aya vachitiwo kunayngwe vachinzwisisa kugunun'una kwevanhu nemafambisirwo esarudzo, havakurudzire mhirizhonga.

Vatsigiri ava vakapinda mudare kana kuti US Capitol zvine chisimba nemusi weChitatu vachiti sarudzo idzo dzakakundwa VaTrump nevaimirira bato remaDemocrats VaJoe Biden dzakabirirwa kunyangwe pasina humbowo.

Vanhu vashanu kusanganisira mupurisa vakafa mukuratidzira uku kuri kushorwa nevakawanda.

Vamwe vari kuti VaTrump vakaramba kusiya basa voga, mutevedzeri wavo VaMike Pence vanofanira kugara pasi nedare remakurukota vovamanikidza kusiya basa. Asi izvi zvikaramba kuitika, nhengo dzedare reHouse of Representative neSenate dzichavhota kuti vamanikidzwe kusiya basa.

Kunyangwe hazvo VaTrump vari kufanira kusiya basa musi wa20, Ndira apo VaBiden vachatora mhiko, mutauriri wedare reHouse of Representatives Amai Nancy Pelosi vanoti kana VaTrump vasina kusiya basa vega, vachasvitsa magwaro kudare kuti rivamanikidze kusiya basa neMuvhuro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG