Dare reSenate neMugovera rakaona vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vasina mhosva panyaya yavange vachipomerwa yekupesvedzera mhirizhonga padare reparamende reCapitol Hill muWashington DC.
Mushure mekuvhota, nhengo dzesenate makumi mashanu nenomwe kana kuti 57 dzakati VaTrump vakapara mhosva asi dzimwe makumi mana nenhatu kana kuti 43 dzikati havana mhosva.
Nhengo dzose dzedare remaDemorctas dzakavhota kuti VaTrump vainge vapara mhosva dzikabatana nedzimwe nomwe dzemaRepublicans asi pakashaikwa vamwe vatatu chete kuti VaTrump vabatwe nemhosva.
Mushure mekuvhota kwemasenator, mumashoko kuvatori venhau, VaTrump vakatenda nhengo dzebato ravo dzemaRepublicans dzakati vasabatwe nemhosva vakavimbisa kuti vane hurongwa hwekudzoka mune zvematongerwo enyika kuenderera mberi nebasa ravakatanga muna 2016 apo vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika.
Asi havana chavakataura nezvenhengo dzebato ravo dzisina kuvavhotera. VaTrump vakashora bato remaDemocrats vachiti iro chete ndiro rinme nhengo dzinofunga kuti dzinokwanisa kutyora mutemo.
VaTrump vanokwanisa kukwikwidza zvakare musarudzo dzemutungamiri wenyika sezvo munhu achikwanisa kutungamira kwemakore masere asi ivo vakadyiwa sarudzo vatungamira kwemakore mana chete.
Asi mutungamiri wenyika VaJoe Biden mumashoko avo kuvatori venhau vakati mhosva yaipomerwa VaTrump inoburitsa pachena kukosha kwekutaura chokwadi uye kuti hutongo hwejekerere hunogona kungokanganiswa uye hunofanira kudzivirirwa kubva kune vanoda kuhukanganisa.
Vanoti zviri pachena kuti VaTrump vakakonzera mhirizhonga paCapitol Hill. Gweta vachidzidzisa peUniveristy of Kent Doctor Alex Magaisa vanoti zviri kuitwa muAmerica zvakanaka sezvo zvichiratidza kuti hapana ari pamusoro pemutemo.
Facebook Forum