Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Voratidzira muHarare Vachiti Havasi Kufara neKushungurudzwa neMapurisa


Vatori venhau nhasi varatidzira muguta reHarare vachitsutsumwa nenyaya yekurohwa nekukanganiswa kana vachiita basa ravo nemapurisa eZimbabwe Republic Police pamwechete neekanzuru.

Bazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko ranyora padademutande rayo reTwitter kuti hapana chakaipa kuti vatori venhau varatidzire murunyararo.

Kuratidzira uku kunouya mushure mekunge mumwe mutori wenhau akuvadzwa nemusi weChina svondo rapera apo mapurisa akakanda hutsi hunokachidza mumahofisi enpfenyuro inwanobuditsa nyaya padandemutande reinternet ye263 Chat.

Mapurisa eZRP nekanzuru vainge vachitandanisa VaLovejoy Mutongwizo vaitora mifananidzo yekunetsana pakati pevanotengesa mumigwagwa nemapusa aya.

VaMutongwizo avo vanga vari pakuratidzira kwanhasi vaudza Studio 7 kuti vaneta nekura vachingorohwa pamwe nekushungurudzwa nemapurisa ekanzuru neeZRP.

Mumwe mutori wenhau VaAndreas Josephs ati vafadzwa zvikuru nekuti vakwanisa kuendesa tsamba yenyunyuto kumapurisa epaCentral.

Mumwe mutori wenhau zvakare VaTafadzwa Muranganwa vati mapurisa anofanirwa kuziva kuti vatori venhau iziso revanhu nekudaro vanofanirwa kuita basa ravo vakasununguka.

Vatori venhau vanosiya tsamba yenyunyuto kuna Meya weguta reHarare VaHerbert Gomba avo vavimbisa kuti vachaongorora zvakaitika vozvigadzirisa.

Imwewo tsamba yenyunyuto yaendeswa kumapurisa paCentral payatambirwa mushure mekunge vatori venhau vamira kwechinguva chakati rebei pasina ange achitambira tsamba iyi. Mapurisa azovimbisawo kuti vachaongorora nyaya iyi.

MISA Zimbabwe iyo inorwira kodzero dzevatori venhau inoti mapurisa anofanirwa kuremekedza kodzero dzevatori venhau.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG