Accessibility links

Vatongi Vari Kuramwa Mabasa Vanotadza Kuwirirana neHurumende Pahurukuro Dzaitwa

  • Irwin Chifera
  • Jonga Kandemiiri

Harare Magistrates Courts

Musangano wechimbi chimbi wekuedza kugadzisirisa zvichemo zvemamejasitereti, avo vari kuramwa mabasa, waitwa muHarare neChipiri, asi hauna chawaburitsa.

Vatongi vematare epasi vakakanda mapadza avo pasi neMuvhuro vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzavari kutambiriswa nehurumende.

Vamwe vashandi vemumatare aya vanonzi vava kuramwawo mabasa vachitsigira danho rakatorwa nevatongi rekuramwa mabasa.

Vari kuramwa mabasa ava vari kuda kuti majisitireti wepasi pasi apihwe chiuru chimwe chete chemadhora pamwedzi, kotiwo vaya vagara pabasa vasvika pazvinzvimbo zvepamusoro soro, vange vachitambiriswa mari inoita zviuru zvitatu nemazana matatu emadhora pamwedzi.

Pari zvino mamejesitireti ose anotambira mari dziri pakati pemazana maviri nemazana matatu emadhora pamwedzi.

Vatongi ava vanoti vari kudawo mari dzinoita kuti vagare pakanaka zvinoita kuti vave vanhu vanoremekedzwa munharaunda dzavanenge vachigara kwete kuti varoje mudzimba dzevanhu vanoita zvehumbavha nemamwe mabasa asina kumira zvakanaka.

Sezvo musangano waitwa uyu usina chawabuda nacho, mutungamiri weMagistrates Association of Zimbabwe, VaDouglas Vakai Chikwekwe, vanoti nhengo dzavo ndidzo dzichasarudza nzira yekutora.

Asi imwe nhengo yeJudicial Service Commission yaramba kudomwa nezita rayo inoti sangano rayo harina mari yekupa vatongi ava uye zviri kuvamiriri vesangano reMagistrates Association of Zimbabwe kutaura nenhengo dzaro kuti dzodzokera kubasa here kana kuti kwete.

XS
SM
MD
LG