Accessibility links

Breaking News

Vatambi Vemutambo WeRugby WeChidiki Vobatwa Vane Mushonga Usingabvumirwe Muropa Ravo


Vatambi vemutambo weRugby yevechidiki ve Rugby Under 20 vange vari mumakwikwi e World Rugby Trophy Finals kuUtah mu America mwedzi wapfuura, vanonzi vakawanikwa mishonga isingabvumidzwe muropa ravo.

Chikwata che Young Sable chinonzi chakakundwa mumutambo yacho yese yachakatamba pamakwikwi aya.

Maneja ve sangano re Zimbabwe Rugby Union, va Sifiso Made, vanoti vakamirira kunzwa kubva kusangano rinomirira mutambo we rugby pasi rese, reInternational Rugby Board, iro riri kuongorora nyaya iyi pari zvino.

Va Made vanoti havagone kutaura nezvenyaya iyi pari zvino.

Mumwe muongorori we mutambo wenhabvu, vaJohnston Phiri, vanoti zvakakosha kuti pave nezvidzidzo zvinoitwa nemasangano anomirira mitambo munyika pamusoro pekuipa kwekushandisa zvinodhaka mumitambo.

VaPhiri vanoti kunyangwe zvazvo panemitemo ino rambidza vatambi kuti vase tore zvinodhaka zvizhingi zvinofanirwa kuitwa nemasangano anomirira mitambo munyika kuti vadzidzise vechidiki njodzi dzinobva mukutora mishonga isingabvumidzwe. VaPhiri vanoti kushaikwa kwemari yekutanga zvirongwa zvakadai ndikokurikudzosera zvirongwa zvakadai mumashure.

XS
SM
MD
LG