Accessibility links

Breaking News

Vasungwa 39 Vanorasirwa Mhosva, Asi VaGwisai neVamwe Vanonzi Ngavatongwe


A group of 46 social and human rights activists, led by Munyaradzi Gwisai is alleged to have organized a meeting, appear in court in Harare, February 23, 2011
A group of 46 social and human rights activists, led by Munyaradzi Gwisai is alleged to have organized a meeting, appear in court in Harare, February 23, 2011

Dare ramejasitiriti remuHarare ratura mutongo wekuti vaimbova mumiriri weHighfiled muparamende, uye vari mudzidzisi wezvemitemo paUniversity of Zimbabwe, Va Munyaradzi Gwisai, pamwe nevaimbove mutungamiri wesangano revadzidzi reZinasu, VaHopewell Gumbo, nevamwe vavo vana, vanofanirwa kutongwa nemhosva yokuronga zvekupidigura hurumende.

Asi vamwe vavakasungwa navo vanosvika makumi matatu nevapfumbamwe, vachenurwa nedare iro rati hapana fungidziro yekuti vakapara mhosva yavanga vachipomerwa.

Mutongi wedare, Va Munamato Mutevedzi, vati vazhinji vevanhu vavabvisa muhusungwa vari kurarama nechirwere cheshuramatongo uye mashoko akasvitswa kudare ekuti vaiva panyaradzo yemumwe wavo aiva afa nechirwere ichi, anoratidza kuti hapana fungidziro yekuti vanhu ava vane mhosva yavakapara.

Mutongi wedare ati VaGwisai naVaGumbo ndevamwe vevakataura pamusangano unonzi wakaitwa nesangno re International Socialist Organization, kana kuti ISO, iro rinotungamirwa naVaGwisai pachavo. Vaenderera mberi vachiti vamwe vasara muhusungwa vashandi veISO uye ndivo vakabatsira pakurongwa kwemusangano uyu zvichireva kuti vane chevanoziva panyaya iyi.

Vamwe vasara muhusungwa ndevanoti Muzvare Antoneta Choto, Welcome Zimuto, Va Tatenda Mombeyarara, pamwe naVa Edson Chakuma.

VaMutevedzi vati haisi mhosva kuwona mifananidzo yevhidhiyo yenhau dzezvakaitika kuEgypt neku Tunisia, asi vati zvave kutoda dare repamusoro kuti rione kuti pane humbowo here kana kuti kwete hwekuti vasungwa ava vaive varonga zvekupidigura hurumende pamusangano wavakaita.

Zvichakadai, mutongi wedare aramba kunzwa nyaya yemagweta evasungwa ava yekuti vari kugariswa kwake kwake uye kuti vari kushandiswa ivo vasati vabatwa nemhosva.

Rimwe remagweta ari kumirira vanhu ava, Va Marufu Mandevere, vaudza dare kuti vasungwa vechirume vari kugariswa mumwe kwake mumwe kwake vachipihwa mukana wekubuda pazuva kweawa imwe chete pazuva.


Asi Va Mandevere vasati vapedza kutaura, gweta rehurumende, Va Edmore Nyazamba, vabva vapindira vachiti magweta evasungwa ava havana humbowo hwakakwana, nokudaro dare haraikwanisa kupa mutongo panyaya iyi.

Mutongi wedare ati haasi kukwanisa kunzwa nyaya iyi, achiti ane nyaya dzakawanda dzavanga vachida kutonga.

Rimwe remagweta evasungwa ava, Va Charles Kwaramba, vati vawona zvaitwa naVa Mutevedzi senzira yekugeza mawoko sapirato panyaya iyi.

Hurumende inoti Va Gwisai nevamwe vavo vaive nehurongwa hwekupidigura hurumende zvisiri pamutemo vachishandisa nzira ye ku Egypt neku Tunisia uko vagari veko vakaratidzira zvakazokonzera kuti vatungamiriri venyika mbiri idzi vabve pazvigaro.

Asi Va Gwisai nevamwe vavo vari kuramba mhosva vachiti musangano wavakaita waiva wekuda kuonesana sevashandi nevadzidzi kuti ndezvipi zvavangadzidza kubva pane zvakaitikia ku Egypt neku Tunisia.

XS
SM
MD
LG