Accessibility links

Breaking News

Vasina Kubayiwa Nhomba Kana Kuvhenekwa Covid-19 Vorambidzwa Kuenda kuHarare Agricultural Show


Harare Agriculture Show

Vari kuronga chirongwa chekuratidzira zvirimwa, zvipfuyo nezvimwe veZimbabwe Agricultural Show vanoti show yemuHarare ichaitwa musi wa 27 Gunyana kusvika musi wa 1 Gumiguru asi vose vanoda kupinda vanofanira kunge vabayiwa nhonba yeCovid-19 kana kuti vavhenekwa kuti havana hutachiona uhu.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nemusi weChipiri, mukuru mutsva wevarongi veHarare Agricultural Show kana kuti ZAS, Dr Andrew Mabitibiri vati vanotarisira kuti zviratidzwa izvi zvichaitwa pachitevedzwa mitemo yekudzivirira denda reCovid-19 zvichange zvakakura kudarika makore ese zvichitevera gonho rakanaka gore rino.

VaMatibiri vati gadziriro yeShow iyi yemari inosvika zana negumi neimwe, yatotanga uye vanotarisira kuti varimi nemakambani ese anopinda muzviratidzwa izvi gore negore vachapinda zvakare gore rino. Zviratidzwa izvi zvichaitwa pasi pedingindira rinoti “Synergies for Growth-Cooperate, Collaborate, Complement.

Sachigaro weZAS, VaIvan Craig, vati denda reCovid -19 ravadzidzisa zvakawanda nekudaro vese vachange vachiratidzira kana kuuya kuzoona Show vanosungirwa kunge vakabaiwa nhomba yeCovid-19.

Vanenge vasina kubaiwa vanofanira kuburitsa humbowo hwekuti vakaongororwa kuti havana hutachiwana hweCovid-19 mukati memaawa makumi mana nemasere Show isati yatanga.

Vanhu vachange vachiongororwa pamwe nekubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 pachena kuShow yegore rino.

Zvimwe zvichaitwa panguva yezviratidzwa izvi musangano wemabhizimisi ezvekurima weAnnual National Agribusiness Conference pamwe nezviratidzwa zvinoratidza kudyidzana kuripo pakati pemabasa ezvicherwa nekurima.

Dr Matibiri vati Show yegore rino ichange ichiratidzwa pamadandemutande zvekuti veruzhinji vanogona kuona zvinenge zvichiitika vari kudzimba dzavo.

Mukuru werimwe remasangano anomiri varimi, reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakaria, vaudza Studio 7 kuti mwaka uno wange wakanaka uye vakagadzirira kuenda kuShow.

Vakurudzirawo varimi vese vari kuronga kuenda kuShow kuti vabaiwe nhomba vachiti iyi ndiyo nzira chete yekuzvichengetedza kubva kudenda reCovid-19.

Harare Agricultural Show, musika mukuru wezviratidzwa zvekurima uye unowanzoitwa mushure mekunge mamwe mashow madiki ekune mamwe matunhu ese munyika aiitwa.

Show iyi inogaroitwa muna Nyamavhuvhu asi gore nerapfuura negore rino izvi zvatadza kuitika nekuda kwedenda reCovid-19.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG