Accessibility links

Breaking News

VaSimon Khaya Moyo Voitwa Gamba reNyika


Zimbabwe Heroes Acre, Harare.
Zimbabwe Heroes Acre, Harare.

Mutauriri weZanu-PF uye vaimbova gurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaSimon Khaya Moyo, avo vakashaya nemusi weSvondo Vaka outward ruremekedzo rwegamba renyika.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaObert Mpofu, vakazivisa mhuri yemufi kuBulawayo kuti VaMoyo vapihwa ruremekedzo rwegamba renyika.

Mutauriri weMDCT, VaWitness Dube, vaudza Studio 7 kuti VaMoyo vavadzidzisa kuti hushingi hune chahunobuditsa kana nyika yakatarisana nematambudziko. Vachiti kurwira nyika kwavakaita chidzidzo chikuru.

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reZapu, VaMthulisi Hanana, vati vari kurwadziwa zvikuru nekufa kwaVaMoyo avo vakaenda kunorwa hondo yeChimurenga vari pasi pebato ravo kunyange hazvo vanga vasisiri nhengo yeZapu.

VaTjenesani Ntungagwa avo vaifambidzana zvikuru naVaKhaya Moyo, vati mufi munhu akafamba zvikuru naVaJoshua Nkomo kusvika nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaRashweat Mukundu, vati kufa kwaVaMoyo kwavatadzisa kuti vasvike pavanga vachitarisirwa kuve mutevedzeri wemutungamiri wenyika vachitsiva VaKembo Mohadi avo vakasiya basa mushure mekupomerwa mhosva dzehupombwe.

Hurongwa hwekuradzikwa kwaVaKhaya Moyo hausati hwaziviswa uye VaMpofu vati hurongwa uhwu huchaziviswa nekufamba kwenguva.

VaMoyo, vakambove mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa vakazove gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko muna 2017.

Nyika isati yawana kuzvitonga kuzere, VaMoyo ndemumwe wevakaenda kunhaurirano dzeLancaster House Conference vaina VaJoshua Nkomo nevamwe vaive muZapu.

VaMoyo, avo vanonzi vakauraiwa nechirwere chegomarara, vasiya mudzimai nevana vatatu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG