Mutevedzeri wasachigaro webato reMDC Alliance VaJob Sikhala vanoti motokari dzakapihwa vatungamiri vemapato madiki anopikisa vari mugungano rePolitical Actors Dialogue kana kuti POLAD kutenda vavanoti vari kushandiswa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kudzorera hutongi hwejekerere kumashure.
Asi mutauriri werimwe bato riri mugungano iri reNational Constitutional Assembly VaMaddock Chivasa vanoti hapana chakaipa kuti nhengo dzePOLAD dzipihwe dzimotokari dzekushandisa mukuunza kubatana munyika.
Nyaya yekuti hurumende yakatengera vatungamiri vemapato anopikisa ari mugungano rePOLAD zvikakarara zvemotokari dzemhando yeIsuzu D-Max izvo zvipatara zvakawanda zvisina mishonga, madhorobha akawanda asina maamburenzi yakonzerawo mutauro munyika.
MuHarare semuenzaniso munonzi amburenzi nhanhatu pachidiwa makumi matatu nembiri uye vanhu vanoda kusvika zvikamu makumi mashanu kubva muzana vachinzi vakatarisana nenzara inotyisa.
Vari muPOLAD vanoti gungano iri rinobatsira asi vamwe vanopikisa vachiti riri kungopfukutawo mari yenyika uye harina meno. Bato guru rinopikisa reMDC Alliance harisi mumubatanidzwa uyu kunyangwe vamwe vakuru mubato reMDC-T rinotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora vari kuti vanenge vave mugungano iri mavhiki anotevera.
Facebook Forum