Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vanopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


VaJob Sikhala

Mutongi wedare repamusoro muMasvingo, Justice Nevile Wamambo, nhasi vati mutevedzeri wa sachigaro weMDC, VaJob Sikhala, vabudiswe mutirongo votongwa vachibva kumba mushure meku bhadhariswa mari ye chibatiso inoita zviuru mashanu zve madhora ema RTGS.

VaWamambo varamba chikumbiro chemuhuchusi, Amai Chiedza Muhwandavaka chekuti VaSikhala vabhadhare mari inosvika zviuru makumi mashanu emadhora emaRTGS.

Amai Muhwandavaka vange vatizve VaShikala vasabvumidzwe kutaura pamisangano yezvematongerwe enyika kusvika nyaya yavo yapedzwa kutongwa.

Asi mutongi wedare abvumirana ne gweta raVaSiikhala, VaAleck Muchadehama avo vati mari yange ichidiwa nehurumende yakawandisa uye VaSikhala vane kodzero dzavo dzekuita basa rezve matongerwe enyika nekudaro kutongwa kawavo hakunga vatadzisi kuita basa iri.

VaMuchadehama vati pamusoro pekubhadhra mari yechibatiso kudare redzimhsova kuBikita, VaSikhala, vanzizve vagare pamba pavo ku St Marys’, Chitungwiza uye vaende kukamba yemapurisa eko kamwechete pavhiki

Munyori mukuru webato reMDC, VaCharlton Hwende, avo vange vari padare pamwe chete ne chaunga che vatsgiri vebato ravo vati vanotambira nemufaro kuti mumwe wavo apuhwa mukana wekutongwa achibva kumba.

Izvi zvatsinhirwa nasachigaro webato re MDC muMasvingo, VaJames Gumbi, vati VaSikhala vari kushungurdzwa nenyaya isina basa ne hurumende irikutadza kuita basa rayo.

Mushure mekupuhwa kwaVaSikhala mukana wekubhadhara mari yechibatiso, vatsigiri ve MDC vange vauya kuzovatsigira vabva vatanga kuimba vari panze pedare vachipembera.

Izvi hazvina kufadza mapurisa anga akawanda padare apa ayo ayedza kuvanyararidza asi vakudikana.

VaSikhala vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende, apo musi wa 6 Chikunguru, vanonzi vakati vachabvisa mutungamiriri wenyika VaEmerson Mnangagwa, panyanga gore ra2023 resarudzo risati rasvika.

VaSikhala vanotarisirwa kudzoka kudare reBikita, musi wa 24 Mwedzi uno. Vakawanikwa vane mhosva vanogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore makumi maviri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG