Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vodawo Mari yekuAmerica Sezvo VeZvitoro Vobvumidzwa Kutengesa neMari yeKunze


Zimbabweans compare the new note with the U.S. dollar note following the introduction of new notes by the Reserve Bank of Zimbabwe in Harare, Nov, 28, 2016.

Hurumende iri kutarisirwa svondo rinouya kuti itange kuzeya chikumbiro chevashandi vayo chekuti vabhadharwe mihoro nemadhora ekuAmerica sezvo dhora remunyika risina kusimba uye vakawanda vave kutengesa zvinhu nemari yekunze.

Asi hurumende inoti dhora remunyika riri kusimba nekudaro hapana chikonzero chekubhadhara vashandi nemari yekunze.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, vanoti kumusangano wavakaita kare weTripartite Negotiating Council kana kuti TNF vakatenderana kuti vashandirwi vakasungunuka kubhadhara pavanokwanisa.

Mashoko aya anotsinhirwa gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vakatozivisa kare kuti hurumende haibhadhare nemari yekuAmerica nekuti haidhinde mari iyi.

Hurumende inotiwo kudzikira kwemitengo yezvinhu kuri kuratidza kuti iri mugwara rekugadzirisa hupfumi uye kusimbisa dhora remunyika kuburikidza nemusika wekutengesa mari weforex auction.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers Association, VaDenford Mutashu, vanoti mitengo yezvinhu yave kuderera.

Asi masangano evashandi akawanda anoti haasi kuona kusimba kwedhora remuZimbabwe achiti zviri nani kubhadharwa nedhora rekuAmerica.

Munyori mukuru weZimbabwe Banks and Allied Workers’ Union, VaShepard Ngandu, vakati vashandi vemumabhanga vari kuda kuti vapihwe zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvemari yemuhoro zviri madhora ekuAmerica.

Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti hapana asiri kuda mari yekuAmerica nekuti mamwe makambani ehurumende ari kubhadharisa vanhu nemari yekunze.

Imwe kambani yakapihwa mvumo yekupa vashandi mari nemadhora ekuAmerica kwegore rino rose iFreda Rebecca Mine inochera goridhe.

Ko kana hurumende ichiti ngaivhiyiwe vashandi vachiti haivhiyiwe poitwa sei?

Nyanzvi munyaya dzezvepfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti hurumende inofanira kupa vashandi chimwe chikamu nemadhora ekuAmerica sezvo hupenyu hwaoma uye zvinosimudzirawo hupfumi hwenyika.

Zimbabwe yakatanga kushandisa mari yekunze muna 2009 asi ikazomboti yarambidza kushandiswa kwemari iyi gore rapera.

Asi hurumende yakauyawo nebhiri rekuvandudza mitemo yeGains Tax Act, Finance Act, Income Tax Act kuitira kuti makambani nevanhu vabatirwe mari yemitero iri mumari yekunze kana iri iyo yavari kuwana.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG