Accessibility links

Breaking News

Vashandi veNRZ Vanoramwa Mabasa


Paita mangange makuru pakati pekambani yehurumende, yeNational Railways of Zimbabwe, NRZ, nevashandi vayo pamusoro pegakava remihoro yevashandi.

Vashandi veNRZ vari kuramwa mabasa vachiti vanoda kuti vabhadharwe mari dzavo dzemisaridzirwa kubva muna 2009, uye kuti mashandiro avo ave nani.

Kuramwa mabasa uku, uko kwakatanga nemusi weMuvhuro, kwamisa mabasa ose mukambani iyi, sezvo vashandi vayo vose vanosvika zviuru zvipfumbamwe vakakanda mapadza pasi mumaguta akasiyana siyana.

Mari dziri kudiwa nevashandi dzinonzi dziri pakati pezviuru zvishanu nezviuru zvipfumbamwe zvemadhora pamunhu. Kambani iyi inonzi iri kutadzawo kubhadhara vashandi vayo mihoro paine nguva uye vashandi vanonzi havasati vatambiriswa mari dzavo dzemwedzi waNyamavhuvhu wegore rino.

Mutungamiri werimwe remasangano anomirira vashandi veNRZ, reRailways Association of Enginemen, VaNorman Simba, vaudza Studio7 kuti sevashandi vakaita zvose zvinodiwa nemutemo vasati vatanga kuramwa mabasa.

Mutauriri weNRZ, VaFanuel Masikati, vati ichokwadi kuti vashandi vari kuramwa mabasa, asi vatiwo zvinhu zvakaomera kambani yavo sezvo isiri kukwanisa kuwana mabasa akawanda anoipa mari.

XS
SM
MD
LG